Mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vari kuita misangano yakasiyana siyana kuNew York uko kwavari kusangana nevemabhizinesi, zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara mu America, vachivakurudzira kuti vabatsire mukuvandudza hupfumi hwenyika.
Vachitaura nezvizvarwa zveZimbabwe mumusangano wavakaita neSvondo, VaMnangagwa vakati vakaparura nhandare yendege yeVictoria Falls kuitira kuti vekunze vashanyire Zimbabwe.
Vakatiwo zvicherwa, kugadzirwa kwemigwagwa nezvivakwa zvinoda kuvandudzwa zvakawanda, vakati zvizvrwa zveZimbabwe zvakasununguka kupindawo mumabhizinesi aya sezvo hurumende yavo yakazvipira kushanda nevanhu vese.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachidzidzisa ku Devry University kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti nyaya yaVa Mnangagwa yekuvimbisa vanoda kusima mari munyika kuti vauye yakanaka, asi inoda kuti nyika izogona kutambirana nezvinodiwa kuti vekunze vaite mabhizinesi munyika vakasununguka.
Muzvinafundo Machona vanoti mashoko egurukota rezvemari, Va Mthuli Ncube, panyaya yekuvandudza zvinhu munyika ari kutsinhirwawo naVaMnangagwa, avo vakati zvibvumirano zvehupfumi pakati peZimbabwe ne China hazvirevi kuti nyika yatengeswa ku China asi kuti zvinofanirwa kubhadharwa n nguva yakatarwa.
Mumwe muongorori wezvehupfumi, Va Masimba Kuchera, vanoti hurongwa hwaVaNcube pakubata hupfumi hwenyika kusanganisira mabatirwo nemashandisirwo emari, hwakanaka chose, asi shuviro yavo haibudirire munguva pfupi.
Muongorori wezvehupfumi uye vachishanda nekambani yePercycon Financial Advisors, Va Persistence Gwanyanya, vanoti hurumende inofanirwa kujekesa zvainoda kuvanhu vanoda kuita mabhizinesi munyika.
Vanotiwo hurumende inofanirwa kutora matanho ekuona kuti maindasitiri amutsurudzwa kuitira kuti Zimbabwe itengesewo zvinhu kunze kwenyika.
Vamwe vanoti Zimbabwe iri kuzviisa pachinzvimbo chaisingakwani, nekuti matambudziko anoda kugadziriswa munyika achiri akawanda, kusanganisira, kushaikwa kwemari, kukwira kwemitengo, kushaikwa kwemishonga muzvipatara, zvikwereti zvenyika uye kupedza huori.
Pari zvino Zimbabwe ine zvikwereti zvinodarika mabhiriyoni gumi nemasere emadhora, kusanganisira mabhiriyoni mana emadhora kuParis Club, uye mabhiriyoni maviri emadhora kumabhanga eAfrican Development Bank, European Investment Bank.
Facebook Forum