Accessibility links

Breaking News

Nhamo Yopfunya Chisero kuNyamakate Zvopa Kuti Vanhu Vararame Zvehwakumukwaku


Vagari vekuNyamakate vachinonga chibage
Vagari vekuNyamakate vachinonga chibage

Vamwe vagari vekuNyamakate mudunhu reMashonaland West vave kuomerwa nehupenyu zvekushaya chekudya zvave kuita kuti vanhongerere chibage chakasaririra muminda yevarungu kuti vararame.

Izvi zviri kuitika kunyangwe hazvo hurumende iri kuti chirongwa checommand agriculture chakabudirira uye nyika ine maguta. Arthur Chigoriwa anotipa nyaya inotevera.

Vagari ava vanoti havana chavakakohwa gore rino nekuda kwemvura yakawandisa ikanyudza zvirimwa zvavo uye vanotiwo vainge vasina fotereza yakakwana.

Vazhinji vevagari ava vave kurarama nekunhonga chibage muminda yevarungu vakasara kuti vararame pamwe nekutengesa kuti vawane mari yekutenga zvekudya zvakaita semunyu, tsvigiri, mafuta, sipo nezvimwe.

VaTatenda Karengesha vanobva kwaMambo Chundu mumwe weavo vari kurarama nezvekunhonga. Vanoti chimwe chibage chavanonhonga vanozoenda kunochitengesa kuti vawane raramo.

VaKarengesha vanoti pachibage chavanonhongerera vanopiwa chidimu chepakati chezvavanenge vawana.

Amai Clarisa Jokwani avo vainge vakabereka mwana mucheche kumusana apo vainhongerera chibage mumunda waVaJames Stanford papurazi reOmega vanoti vakazadza masanga maviri vanopihwa saga rimwe chete semuripo.

Mutyairi waVaStanford, VaLisbon Jimu avo vainge vari kumunda netirakita vakamirira kuzotakura chikamu chemurungu pakupera kwezuva vanoti vainge vakarima mahekiteya anodarika zana echibage.

VaJimu vanoti vari kuyamurwa nevagari vemumaruzevha akavapoteredza kunhongerera chibage icho chinodonha pavanenge vachikohwa nemuchina weHarvest.

Vagari ava vanoti havanhongerere chibage muminda yevarimi vechitema sezvo pasina chinosara.

Apo vagari vemumaguta vari kuchema kuti hupenyu huri kuramba huchioma zuva nezuva zviri kuratidza kuti munyika yose hapana kuri nyore kurarama.

Mumiriri webazi reUnited Nations reWorld Food Programme, WFP, munyika VaEddie Rowe vanoti vanhu vanodarika miriyoni imwechete mumaruwa vanoda ruyamuro rwezvekudya gore rino zvikuru sei pakati pemwedzi waGumiguru kusvika muna Kurume gore rinouya.

Nyaya yekuti vamwe vari kurarama zvakaoma iri kuuya panguva iyo hurumende iri kuti gore rino nyika yakakohwa pakuru pasi pechirongwa checommand agriculture.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG