Accessibility links

Breaking News

Nyakutora Mari dzeVanhu Achiti Anopa peKuvakira Dzimba Omiswa Pamberi peKomisheni yezveMinda


Vamwe vashandi vehurumende vapa humbowo kuLand Commission mu Bulawayo nemusi weChitatu vachitsutsumwa zvikuru nehwavati hukoronyera hweimwe kambani inogadzira nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Vanhu ava, vanove vashandi vehurumende vaive vapinda muchirongwa chekuti vawane nzvimbo dzekuvakira dzimba, vachibatirwa madhora makumi mashanu pamwedzi wega wega pamunhu, pasi pechirongwa chekambani yeRiver Valley Properties.


Vazhinji vevanhu ava vanove vadzidzisi vati vakatanga kupinda muchirongwa ichi mugore ra2014 uye kunyange hazvo vakawanda vavo vakazivisa kambani iyi kuti vave kuda kubuda muchirongwa ichi vanoti havana kana peni ravakadzorerwa.

Mumwe wevanhu ava VaFelix Gumbo vati vaive vavimbiswa kuwaniswa nzvimbo yekuvakira kuCowdray Park asi izvi hazvina kuitika. Vatiwo zvisinei nekuti havazi kugutsikana netsananguro iri kuramba ichipiwa nekambani yeRiver Valley Properties vari kuramba vari muchirongwa ichi nekuti vari kuti vakabuda vachazoshaya mari yavo zvachose.


Muzvare Tephny Muza vatsinhira zvataurwa naVaGumbo vachiti vaive vawaniswa nzvimbo yekuvakira imba kuCowdray Park kwekare asi vatiwo vakazonzwa vongopihwa tsananguro dzisinganzwisisike izvo zvakazoita kuti vadewo kubuda muchirongwa ichi. Muzvare Muza vanoti vakaudzwa kunzi vaigona kuwaniswa imwe nzvimbo yekuvakira muguta reGweru umo kambani yeRiver Valley inonzi ine imwe nzvimbo yekuvakira, asi vanoti vakaona izvi zvsingaite sezvo vaida pekuvakira muBulawayo.


Pakunzwikwa kwehumboo uhu pabuda kuti kambani yeRiver Valley yakati yaive yawana nzvimbo yekuvakira dzimba kuCowdray Park ikatanga kushambadza izvi kuvashandi vehurumende. Vanhu vakawanda vakapinda muchirongwa ichi vakatanga kubatirwa mari. Asi kambani yeRiver Valley yakazomira kugadzira nzvimbo iyi mushure memakakatanwa neimwewo kambani yaiti nzvimbo iyi yaive yayo.

VeRiver Valley vakasiya nzvimbo iyi vakatanga kuvimbisa vanhu kuti vaive vave kuzopiwa pekuvakira munzvimbo yeLower Rangemore yavanonzi vaive vapiwa nebazi rekutongwa kwematunhu sezvavaiti zvaive zvaitika kuCowdray Park.

Asi kunzvimbo iyi kwakaitika makakatanwa zvekare izvo zvakaita kuti kambani yeRiver Valley isiye futi nzvimbo iyi zvinove zvakapawo vanhu vakawanda vaive muchirongwa ichi pfungwa yekubuda machiri.

VaKhumbulani Ndlovu vati vakamboendesa nyaya iyi kumapurisa sezvo vaive vaona kuti zvaive pachena kuti veRiver Valley vaitengesa nzvimbo dzisiri dzavo.

Mukuru mukuru weRiver Valley Amai Smelly Dube varamba kutaura nevatapi venhau pamusoro penyaya iyi uye vambopopotedzana nevamwe vevatapi venhau ava vachivati vasavatore mufananidzo.

Vachipa huchapupu hwavowo kukomishoni iyi Amai Dube vati ivo vakaita zvose zvavaigona kuti vanhu vawane pekuvakira pavaive vavavimbisa asi vakaita rombo rakaipa rekuti bazi rekutongwa kwematunhu raivapa pekuvakira apa raivapa panzvimbo dzaive nevaridzi kare.

Amai Dube vakamboita mukurumbira muna 2013 mushure mekuvaka nekupa imba kuWoodlands Park muguta reGweru kune vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vatsinhira kuti havafanirwongwa kushorwa panyaya iyi sezvo vaida kubatsira padambudziko rekushaikwa kwedzimba vakadoma nezita vaimbove gurukota rezvekutongwa kwematunhu VaIgnatius Chombo vachiti vaitsigira chirongwa chavo.

Amai Dube avo vange vane gweta ravo pamwe nevamwe vakuru vakuru vekambani yavo vabvunzurudzwa pamusoro pemhosva yavari kupomerwa yekuti vari kudyira vanhu mari dzavo nehukopokopo asi varamba izvi vachiratidza kubatikana nenyaya iyi.

Vati vanoona mari dzavanoti dzinofanirwa kubatwa kune vanhu vanenge vabuda muchirongwa chavo dzakakodzera nekuti ivo vanenge vashandisa mari yavo pakugadzirisa nzvimbo dzekuvakira.
Asi vekomishen iyi varamba akasimba nerekuti haawone zvakafanira kuti vanhu vanenge voda kubuda muchirongwa ichi vatorerwe mari nekuda kwezvikonzero zvisinei navo.

Land Commission yakasarudzwa kuti iwongorore nyaya yekutengwa kana kupiwa kwenzvimbo dziri pasi pebazi rezvematunhu dzekuvakira dzimba dziri mumaguta nemadhrobha akasiyana siyana munyika zvichitevera kuchema chema kweveruzhinji nehuwori munyaya iyi.

Vekomishini iyi vari kufamba vachiita ongororo nekuferefeta nyaya idzi munyika yose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG