Dare reHigh Court muBulawayo rakarasa chikumbiro chaVaTashinga Musonza chekuti vatongwe achibva kumba.
Mutongi wedare reHigh Court Justice Martin Makonese vakarasa chikumbiro chaVaMusonza uyo vari kupomerwa mhosva yekuuraya musikana wavo, Muzvare Lucy Duve, vachiti kunyange hazvo musungwa wose ane kodzero dzekuwana rusununguko, kodzero iyi inofanirwa kuvepo kuchitariswawo kufambiswa zvakanaka kwenyaya dzemitemo.
VaMusonza avo vanove mutyairi wendege muAir Force of Zimbabwe anonzi akarova Muzvare Lucy kusvika azofa, mushure mekunge vatadza kunzwisisana panyaya yekuti VaMusonza aipomera Muzvare Lucy kuti aidanana nemumwe mururme.
VaMakonese vati kunyange hazvo VaMusonza vari kuramba mhosva yavari kupomerwa zviri pachena kuti vanobvumirana nezvakawanda zvinonzi zvakaitika musi uyu. Vakatiwo pane humbowo hwakasimba hunoroverera VaMusonza izvo vati zvinogona kupa VaMusonza pfungwa yekuda kutiza kumiswa pamberi pedare kana vakapiwa mukana wekutongwa vachibva kumba.
Vatiwo dare raive razvipira kutanga kutonga nyaya yaVaMusonza asi ivo voga vakaunza imwe nyaya mudare vachiti vanoda kuti dare reConstitutional Court ritare kuti vatongi vedare reHigh Court vanofanirwa kuve nevabatsiri vanonzi muChirungu assessors here kana kuti kwete pavanenge vachitonga mhosva.
VaMakonese vati semaonero avo, VaMusonza vanenge vari kuda kungopedza nguva vachiita kuti nyaya yavo isatanga kutongwa. Vatiwo nyaya yekuti VaMusonza vanobvuma kuti vakarova Muzvare Lucy asi vachizoramba kuti kumurova uku ndiko kwakamuuraya inoita kuti vawone vasina kukodzera yekuti vatongwe vachibva vachitsinhira kuti VaMusonza anogona kutiza.
Rimwe remagweta ari kumiririra Musonza Muzvare Taboka Nyathi vatsanangura vatenda kuti vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Nyaya yaVaMusonza yakaita mukurumbira sezvo mamwe masangano emadzimai akapindira sezvo paive pamboita maonero ekuti nyaya iyi yaida kutsikwa-tsikwa.
Facebook Forum