Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yopikisa Hurongwa Huchaisa NSSA Muhapwa dzeZIMRA


NSSA
NSSA

Sangano remubatanidzwa wemasangano evashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti rakatotanga kutora matanho ekuti hurumende imise hurongwa hwekuda kutora basa rekuunganidzwa pamwe nekuchengetedzwa kwemari dzemudyandigere dzevashandi.

Basa iri rinoitwa neboka reNational Social Security Authority, NSSA, asi hurumende iri kuda kuriendesa kuboka reZimbabwe Revenu Authority, Zimra, iro riri pasi pebazi rezvemari.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti sevashandi vanotyira kuti mari dzavo hadzizobatwa nenzira yakanaka, zvikuru sei hurumende iine chikwereti cheNSSA chinosvika mamiriyoni zana emadhora nechekare chairi kutadza kubhadhara.

VaMoyo vanoti zviri pachena kuti hurumende iri kutadza kuwana mari yekubhadhara vashandi vayo, izvo zviota kuti ide kutsvaga mari nenzira dzisina kutsarukana dzakafanana nekutora homwe yeNSSA.

VaMoyo vanoti pasi pemutemo weNSSA, homwe iyi inofanirwa kutungamirwa nebhodhi rinoumbwa kubva kuvashandi, vashandirwi pamwe nehurumende.

VaMoyo vanotiwo kuti hurumende izadzise hurongwa hwavo, mutemo weNSSA unofanirwa kutanga wavandudzwa, izvo vanoti hapana zvati zvaitwa, uye vachamira zvakasimba vachizviramba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG