Accessibility links

Breaking News

NPF Inoti VaMnangagwa Ngavasiye Chigaro


Bato rinopikisa reNational Patriotic Front kana kuti NPF rakurudzira mutungamiri wenyikaVaEmmerson Mnangagwa kuti vasiye chigaro richiti zviri pachena kuti vakundikana kutungamira nyika.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri webato iri VaJelousy Mawarire vati vari kurwadziwa zvikuru nemashoko ekuti pane vanhu vaurayiwa mukururatidzira kuChitungwiza. Vanhu vange vachiratidzira kutiu havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezve hupfumi.

VaMawarire vati kuratidzira uku handi munongedzo wekuti pane vave kupfurikidza mwero munyika asi zvinoratidza kuti hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.

Vati nenyaya yekusagadzikana kwezvinhu munyika, VaMnangagwa nevamwe vavo vanofanira kuenda pamudyandigere vosiyira vana veZimbabwe kuti vazvitungamire kunyukura nyika mumadhaka mairi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG