Accessibility links

Breaking News

Nobuntu Yobatsira Vasikana Vanoshaya


Nobuntu 2
Nobuntu 2

Chimwe chikwata chevaimbi vechikadzi chemuBulawayo chakatanga chirongwa chekubatsira vanhukadzi vechidiki vanoita zvemitambo kuti vakwanise kuwana zvekushandisa panguva yavanotevera.

Kudya kwenzeve uku kuimba kunoitwa nechikwata cheNobuntu chinove chikwata chevanhukadzi vashanu vanoimba musambo wenziyo dzinoimbwa pasina magitare kana zvimwe zvakadaro.

Kuimba kwechikwata ichi kwachiitisa mbiri kunze kwenyika kusanganisira munyika dzakadai seAustria, Germany, neUnited States uko kwavanochienda vachinoimba.

Mumwe wevaimbi vechikwata ichi, Heather Dube, anoti zvisinei kuti ibasa rinogona kuwanisa raramo, kuita zvemitambo kusanganisira kuimba, kuchiri kutarisirwa pasi nevakawanda munyika uye kuzviita kunonetsa zvikuru kunyanya kuvanasikana kana vanhukadzi.

Heather anoti kuziva zvimhingamupinyi zvinosangana nevanhukadzi vechidiki mune zvemitambo kusanganisira kusambhadharwa zvakakwana, ndiko kwakapa chikwata chavo shungu dzekutanga chirongw chekuti vawanise vanasikana vechidiki vari kuita zvemitambo masanitary pads ekuti vashandise panguva yavo yekutevera.

Chikwata cheNobuntu chakaparura chirongwa che 'Pad bank” kana kuti dura resanitary ware munguva pfupi yapfuura uye pachiitiko ichi, vanhu vaiuya kuzoona chikwata ichi chichiimba, vaigona kubhadhara nemapekti ema sanitary pads matatu pamunhu, kana kuti madhora mashanu.

Pari zvino, chirongwa ichi chakanangana nekubatsira vechidiki vanoita zvemitambo vari paIndlovu Youth Centre mumusha unogara veruzhinji weTshabalala uko kunove kwakatangira chikwata cheNobuntu makore matanhatu apfuura. Asi vanoti vanoda kuti chirongwa ichi chikure.

Muzvare Molleen Mbedzi ndichipangamazano anoshanda akazvimira ega munyaya dzebudiriro, uye ndemumwe wevaivepo pakaparurwa chirongwa ichi.

Muzvare Mbedzi vanoti chirongwa ichi chakanaka asi anoona sekuti hachikwanise kunge chichienderera mberi kwenguva yakareba.

Asi Zanele Manhenga anoti kunyange nyaya yekudhura kwema sanitary pads ichitaurwa nezvayo nguva nenguva, dambudziko iri harisati rapera nekudaro hapana panganzi nyaya iyi yakwana kutaurwa nezvayo.

Mumwe mutori wemifananidzo anoshanda akazvimirira, Kudakwashe Takundwa, anorumbidza chirongwa chechikwata cheNobuntu achiti chakakosha zvikuru.

Anoti zvisinei kuti pane ruzivo rwekuti vanhukadzi vanogona kuita zvirwere kana vakashandisa zvinhu zvisina hutsanana panguva yavo yekutevera, kune vanhukadzi vakawanda vachiri kuita izvi nekuda kwekushaya. Takundwa anoti hurumende inofanirwa kupindira panyaya iyi.

Heather anotsigirawo maonero ekuti vanhukadzi vanofanirwa kukwanisa kuwana masanitary pads pachena sezvinoitwawo macondom.

Vechikwata cheNobuntu vanoti vachaita zvose zvavanogona kuti chirongwa che”Pad bank”kusanganisira kushambadza nezvacho kuti chiwane rutsigiro pose pavanoenda kunze kwenyika.

Vanoti sevanhu vabudirira mubasa ravo vanoona zvakakosha kuti vabatsire vechidiki vachiri kukura munyaya yezvemitambo.

Kubudirira kwechikwata cheNobuntu pamwe nechirongwa chavo chekubatsira vamwe ichi, ndezvimwe zvinhu zvinogona kubatsira kuchinja mafungiro everuzhij kuti vazive kuti zvemitambo hazvizi zvenhando.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG