Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotadza Kuwirirana neVashandi Vayo


Zimbabwe Protest

Musangano weNational Joint Negotiating Council waitwa nhasi pakati pehurumende nevashandi wayo wapera pasina kuwirirana.

Vamiriri vevashandi vehurumende vapinda mumusangano uyu vanoti havana kufara nezvaiswa patafura nehurumende munhaurirano dzavo.

Mutauriri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vaudza Studio7 kuti vanga vakamirira hurumende munhaurirano idzi vati hurumende yakazvipira kuwedzera vashandi vayo nemari inoita zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana, 25 percent, kutanga nhasi asi vashandi vehurumende varamba kutambira izvi.

VaMushangu vati hurumende haisi kuteerera zvavakanyora mugwaro ravo asi kuti iri kungoita zvainenge ichida iyo.

Musangano waitwa nhasi unotevera yambiro yevashandi ava yekuti vainge voronga kuratidzira sezvo vachiti hurumende haisi kuratidza kuzvipira pakuvawedzera mari dzemihoro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi gurukota rezvevashandi, Va Paul Mavima, vakaudza Studio7 kuti hurumende yakazvipira kugara pasi ichitaurirana nevashandi vayo kuitira kuti zvinhu zvigadzirisike zvakanaka.

Asi mamwe masangano anomirira varairidzi akaita seProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, neAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe,artuz, anoti haana kupinda musangano uyu achiti haacherechedzi hutungamiri hweZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions iyo yaimbozivikanwa nekuti Apex Council.

Munyori mukuru muARTUZ, VaRobson Chere, vati varega kupinda mumusangano wanhasi nrpamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vati hurumende haina kuzvipira kusangana nevashandi vayo sezvo musangano wanhasi waitwa pamasaisai nekuda kwechirwere cheCovid-19. VaZhou vati musangano wanhasi kwanga kuri kuvaraidza nguva kuteya nzou neriva.

Nhaurirano dzakamboitwa pakati pehurumende nevashandi vayo vari pasi pesangano Zimbawe Confederation of Public Sector Trade Unions mavhiki maviri adarika asi hapana chakabuda sezvo zvikwata zviviri izvi zvakatadza kuwirirana panyaya yekuti vashandi vobatirwa here mari pahomwe yakaumbwa nehurumende yeGovernment Employees Mutual Savings (Gems) yavanozokwanisa kukwereta uye nyaya yemari yemuhoro yekubatsirikana kana kuti Cost of Living Adjustment.

Hurumende inonzi yaida kuwedzera vashandi vayo nemari inosvika zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana, 25%, izvo zvakarambwa nevashandi avo vasiri kufara kuti hurumende yakawedzera vari muchiuto nevamwe nemari inodarika zvikamu zana nemakumi mashanu kubva muzana, 150%, ivo vakasara vachitambira mihoro yavanoti yakafanana nemitero yembwa.

Mune imwewo nyaya, gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vaburitsa mashoko ekuti hurumende yaunganidza mari inoita mamiriyoni zana emadhora ekuAmerica ($100 million) ichashandiswa mukutenga nhomba dzekubaya veruzhinji kuti vasabatwe nechirwere cheCovid 19.

VaNcube vati kubva zvino zvichienda mberi, hurumende iri kutarisira kuti munyika muchange muchipinda nhomba miriyoni imwe chete pamwedzi kuitira kuti vanhu vese vakwane nhomba idzi.

VaNcube vatiwo vari kufara zvikuru kuti kambani yeDHL International yabvuma kuvatakurira nhomba idzi kubva kwadzichange dzichitengwa nemutengo wakaderera zvichaita kuti nhomba idzi dzisvike munyika nekukasika kana dzichinge dzatengwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG