Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yeUnited Nations Yoyambira Kuti Zimbabwe Inogona Kuita Hondo Zvinhu Zvikasagadziriswa


Zimbabwe Political Turmoil
Zimbabwe Political Turmoil

Nhumwa yeUnited Nations Muzvare Hilal Elver avo vange vachishanya muZimbabwe vachingororora mamiriro akaita nyaya dzechikafu nemagariro evanhu munyika vari kuyambira kuti munyika munogona kuita kusagadzikana nenyaya yenzara.

Muzvare Elver vange vachishanya munyika kwemazuva gumi uye vakati vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana manomwe vakatarisana nenzara iri kukonzerwa nekusatungamirwa zvakanaka kwenyika, huori, pamwe nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Vanotiwo mamwe matambudziko ari munyika mazvokuda mavanga enyora uye vakurudzira kuti vanhu vataurirane uye kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri venyika zvibviswe.

Vatiwo chirongwa chekugovera minda kune vamwe vatema vasina zvekushandisa zvakakwana mukurima ndechimwe chezvinhu zvakonzera nzara.

Asi gurukuota rezvekurima, VaPerence Shiri vaudza Studio 7 kuti chikuru chakonzera nzara munyika inyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze uye zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vavo vari muZanu PF.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC VaDaniel Molokele vati zviri pachena kuti vanhu vakapihwa minda nehurumende havasi kukwanisa kuishandisa zvapa kuti vanhu vaziye nenzara.

Muzvare Elver, avo vakashanyira nzvimbo dzakawanda kumaruwa nemadhorobha, vatiwo madzimai nevana vadiki ndivo vari kunyanyoshungurudzwa nenzara iyi vachiti vana vazhinji vavakasangana navo mukushanya kwavo vanga vasisina huremu hwakakodzera kubudikidza nekushaya zvekudya.

Vaenderera mberi vachitiwo zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvevana vane mwedzi mitanhatu kusvika pamakore maviri hazvisi kuwana chikafu chinovaka muviri.

Muzvare Elver vatiwo vanhu vazhinji vavavakasangana navo kuMasvingo nekuMwenezi vakavaudza kuti varikudya kamwechete pazuva uye vati madzimai nevana vazhinji havasi kukwanisa kuzviwanisa chikafu uye vave kutorarama nechikafu chavanopihwa nemasangano anobatsira.

Vachitaura nezvekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika, Muzvare Elver, avo vakasanganawo nevakawanda muhurumende vati Zimbabwe iri pakati penyika ina dzine nzara yakaipisisa kunyangwe hazvo dzimwe nhatu dziine hondo nekusagadzikana.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG