Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yeUnited Nations Yotanga Kuongorora Nyaya yeZvirango Zvakatemerwa Vamwe muZimbabwe


VaEmmerson Mnangagwa na Amai Elana Douhan. (Photo: Emmerson Mnangagwa/Twitter )
VaEmmerson Mnangagwa na Amai Elana Douhan. (Photo: Emmerson Mnangagwa/Twitter )

Nhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, vatanga kushanya kwavo munyika neMuvhuro apo vachange vachiongorora nyaya dzezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vamwe vakuru muhurumende, zvipangamazano zvavo nemakambani avanodyidzana navo. Vari kutarisirwawo kutarisa nyaya dzekodzero dzevanhu munyika.

Amai Douhan vatanga nekuita musangano negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava vasati vaita zvakare mimwe misangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi uye negurukota rezvemari VaMthuli Ncube.

Amai Douhan, avo vachange vari munyika kwemazuva gumi, vati vachazotaura nevatori venhau mushure mekunge vapedza misangano yavo.

Muhururongwa hwerwendo rwavo hwaburitswa nehurumende, Amai Douhan vakatarisirwawo zvakare kusangana nemamwe makurukota ehurumende akawanda uye vchashanyira dunhu reManicaland pamwe nekuBulawayo. Zviri kunze kwehurongwa hwehurumende uhwu, Amai Douhan vakatarisirwawo kusangana nevemabhizimusi, masangano anoshanda akazvimirira, vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevemapato anopikisa vanosanganisira mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa. Parizvino hazvisati zvave kuzivikanwa kuti vachasangana naVaChamisa rinhi.

Kushanya kuri kuita Amai Douhan munyika kunouya apo bato reMDC Alliance riri kupomera bato reZanu PF mhosva yekuita mhirizhonga mudunhu reMasvingo svondo rapera zvakaita kuti motokari yaVaChamisa ipwanywe mahwindo nevari kufungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF kunyanga hazvo Zanu PF iri kuramba izvi.

Mhirizhonga yakaitika kuMasvingo pamaberi pekushanya kwatangwa naAmai Douhan munyika nhasi yasiya VaChamisa vachiti zviri kuratidza kuti bato reZanu PF riri kusimbaradza nyaya yetsvimbo mugotsi zvavave kutyira kuti zvichaita kuti sarudzo dzemuna 2023 dzive sarudzo dzizere mhirizhonga yakanyanya.

Nokudaro, VaChamisa vari kukurudzira sangano reUnited Nations kuti ritumire mauto anochengetedza runyararo muZimbabwe pamberi pesarudzo idzi.

VaChamisa vanoti hazvirevi kuti ivo nebato ravo havakwanise kudzosera panenge pachiitwa mhirizhonga nevanhu veZanu PF asi chavanoda ndechekuti munyika muve nerunyararo.

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati hapana chikonzero chekuti mauto eUnited Nations aunzwe muZimbabwe.

VaMugwadi vati mauto eZimbabwe Defence Forces anokwanisa kuchengetedza runyararo munguva dzesarudzo munyika pasina kushevedzwa mauto eUnited Nations.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati hurumende yeZimbabwe iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu munyika zvekuti masangano akaita seSADC, African Union neUnited Nations anotofanira kupindira kuitira kuti sarudzo dzemuna 2023 dziitwe zviri pachena.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Amai Sibongile Mgijima vati zvakaitika musarudzo dzemuna 2008 apo pakafa vanhu vakawanda zvichikonzerwa nemhirizhonga ine chekuita nevezvematongerwo enyika pamwe nemhirizhonga iri kuitika izvozvi zvinokodzera kuti mauto eUnited Nations ipindire.

Bepnhau reHerald rinoti zvirango zvakonzera kuti nyika irasikirwe nemari inosvika mabhiriyoni makumi mana ekuAmerica kana kutiUS$40 billion mumakore makumi maviri adarika. Asi vakatemera zvirango kutanga muna 2002 na 2003 vanosanganisira America, Britain nenyika dziri mugungano reEuropean Union vanoti hazvisi kuzobviswa kusvika VaMnangagwa vamira kutonga nedemo uye vanoti hazvina kutemerwa nyika yose asi akuti vashoma vanotyora kodzero dzevanhu.

America inoti vanhu makumi masere nevana uye makambani avanodyidzana navo makumi mashanu nematanhatu zvikuru mapurazi avo ndiwo ari pazvirango. EU yabvisa vakawanda pazviranfo

VaMnangagwa vanoti ndivo vakakoka nhumwa iyi uye Amai Douhan vakatarisirwa kutura zvavanenge vawana mutsvagiridzo yavo ku United Nations Human Rights Council muna Gunyana gore rinouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG