Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzeSADC Dzinotadza Kusangana neJOMIC


Masachigaro eboka reJOMIC neMuvhuro akatadza kuita musangano nenhumwa mbiri dzeSADC dzakapinda munyika dzichida kushanda nesangano iri sezvakurudzirwa kumusangano weSADC gore rapera..

Pamusangano wayo weTroika kuLusaka, Zambia, muna Chivabvu gore rapera, SADC yakati yaizodoma nhumwa nhatu dzekushanda neJOMIC mukuona kuti munyika hamuna mhirizhonga uye kuti zvibvumirano zveGlobal Political Agreement zvazadzikiswa.

Nyika dziri muTroika, South Africa, Zambia neTanzania, ndidzo dzakanzi dzidome nhumwa nhatu idzi.

Tanzania yakadoma vaimbova mumiriri wenyika iyi kune dzimwe nyika, Ambassador David Katye, Zambia ikadoma Amai Colly Muunyu, ukuwo South Africa yakaramba kudoma munhu wechitatu ichiti nhumwa dzayo dziri kubata nyaya yeZimbabwe dzakakwana.

Mumwe wemasachigaro eJOMIC, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, varamba mashoko ekuti vakatadza kutambira vaenzi ava vachiti nhumwa dzeSADC dzakauya dzisina kunge dzavasuma nguva yavachapinda munyika.

Vaviri ava vave kutarisirwa munyika musi wa 25 Chikumi pachadzoka nhumwa dzaVaZuma kuzoitazve nhaurirano nemapato ari muhurumende.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vaudza Studio7 kuti nhumwa mbiri idzi dzichashanda neJOMIC pamwe nenhumwa dzaVaZuma kuona kuti Zimbabwe yazadzikisa misariridzwa yose iri muGlobal Political Agreement.

Nhumwa mbiri idzi dziri kuenda kuZimbabwe kunyange hazvo Zanu-PF yaimbenge yatsika madziro nekurova bembera ichiti haisi kuzobvumidza kuti dzipinde munyika sezvo uku kuri kupindira munyaya dzezvematongerwo eZimbabwe.

Zanu PF yaiitiwo nyaya yenhumwa idzi waive muratidzi mukuru kuda kutonga kwevamwe vakuru veSADC mumusha usiri wavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vashora JOMIC nekusaita chimbi chimbi mukuita musangano nenhumwa dzeSADC mbiri.

XS
SM
MD
LG