Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzeMuyananisi, VaJacob Zuma Dzinopinda Munyika


Chikwata chenhumwa dzemuyananisi weSADC muZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, chapinda munyika kuti chione pasvika zvakawiriranwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, uye pasvikawo nyaya yehwaro hwesarudzo.

Nhumwa idzi dzatanga kuita misangano nemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa panguva dzakasiyanasiyana.

Zanu PF inonzi iri kuda kuti sarudzo dziitwe chete gore rino, kunyange hazvo bato reMDC-T riri kuti izvi hazvigoneki kana pasati pagadziriswa hwaro hwesarudzo.

MDC-T inonzi haisi kufarawo nenyaya yenguva iri kutarwa muhwaro hwesarudzo uye inoda kuti pavandudzwe mashandiro emapoka anodzivirira nyika, uye kumiswa kwenyaya dzemhirizhonga.

Mumwe wevari kumirira bato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube munhaurirano, VaMoses Mzila Ndlovu vati bato ravo rasvitsa kunhumwa idzi zvarinoda kuona kuti zvagadziriswa here, zvakaita senyaya yehwaro hwesarudzo uye kuti JOMIC ive nemeno ekukwanisa kumisa mhirizhonga.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe vaudza Studio 7 kuti havaoni paine chinobuda kubva mumisangano iyi kunze kwekunge SADC yaomesa pane zviri kudiwa neZanu PF zvekuti sarudzo dziitwe chete gore rino.

XS
SM
MD
LG