Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzinosangana neVatungamiri muHurumende yeMubatanidzwa


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa dzakapinda munyika neChitatu, dzinoti dzakasangana nemutungamiri wenyika,VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Mutauriri wechikwata chaVaJacob Zuma ichi, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti chinangwa cherwendo rwavo chakanga chiri chekutevera zvakasungwa kumusangano weSADC wakaitirwa kuWindhoek, kuNamibia muna Nyamavhuvhu. Musangano uyu wakazeya zviri kutadzisa chibvumirano cheGPA kufambira mberi zvakanaka.

Kushanya kwechikwata ichi kunouya apo VaTsvangirai vakanyorawo tsamba yenyunyuto pamusoro pehumbimbindoga hwaVaMugabe pakudoma vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika pamwe nemagavhuna vasina kusuma VaTsvangirai sezvinodiwa neGPA.

Asi bato reZanu PF rinoti hapana zviri mubumbiro remitemo kana GPA zvinosungira VaMugabe kusuma VaTsvangirai. Asi mashoko aya haasi echokwadi nekuti GPA inosungira VaMugabe kugara pasi naVaTsvangirai pakupa vanhu mabasa epamusoro muhurumende, kuburikidza neArticle 20 yeGPA.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vaudza Studio7 kuti havaoni pane chinofamba parwendo rwenhumwa dzaVaZuma, sezvo VaMugabe nebato ravo vari kuda kuti zvirango zvitange zvabviswa, vasati vazadzisa zviri muGPA.

XS
SM
MD
LG