Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzinosangana neVamiriri veMapato muHurumende


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, uye vari muyananisi wegakava rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe, VaJacob Zuma, dzasangana nemutungamiri werimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube.

Nhumwa idzi dzakasanganawo neMuvhuro nemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva dzikakurukura hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva, pamwe nehwaro hwesarudzo.

NeMuvhuro wakare chikwata ichi chakasanganawo nevanomirira MDC yaVaTsvangirai munhaurirano, VaTendai Biti naVaElton Mangoma.

Munyori mukuru weMDC yaVaNcube, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, vati havakurukuri zvinenge zvabuda mumisanganano yakadai.

Chikwata ichi changa chichitarisirwawo kuzosangana nevari kumirira Zanu PF munhauririrano. Hatina kukwanisa kubata vanomirira Zanu PF munhaurirano, asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti vanga vasati vava neruzivo nezvenyaya iyi.

VaZuma vanonzi vari kuda kuti patange paitwa hwaro hwesarudzo pasati pataurwa nezvesarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti hwaro hwesarudzo ndihwo chete hwunokwanisa kuita kuti munyika muitike sarudzo dzisina mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG