Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzinosangana neMDC-T


South Africa's President Jacob Zuma, during the first session of the 3rd Africa-EU Summit in Tripoli, Libya, 29 Nov 2010
South Africa's President Jacob Zuma, during the first session of the 3rd Africa-EU Summit in Tripoli, Libya, 29 Nov 2010

Nhumwa dzemuyananisi uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, idzo dziri munyika, dzasangana neChina neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Bato iri rinoti rasvitsa zvinyunyuto zvaro kuchikwata ichi izvo zvinosanganisira kusatevedzerwa kwechibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, nyaya dzemhirizhonga iri kuitika munyika, kusungwa zvisina shumo kunonzi neMDC kuri kuitwa nhengo dzebato iri pamwe nevemasangano akazvimirira.

MDC yanga yakamirirwa nemutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe mubato iri, VaElton Mangoma.

NeChitatu chikwata ichi chakasanganawo nevamiriri MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube mushure mekusangana neJOMIC nemusi weChipiri.

MDC yaVaTsvangirai yakanyorawo tsamba yenyunyuto yekuti nhepfenyuro yeZBC haisi kuvapa mukana panhepfenyuro.

VaChamisa vaudza Studio7 kuti vapawo tsamba iyi kuna VaZuma pamwe nevari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, VaTsvangirai pamwe naVaArthur Mutambara,. Vati vapawo nyunyuto yavo kugurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu neJomic.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaCharles Mutasa, vanotiwo chava kungodiwa chete kuvepo kwehwaro hwesarudzo kuitira kuti munyika muitwe sarudzo nenzira dzinotambirwa.

XS
SM
MD
LG