Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzinoita Zvakare Hurukuro neMDC neZanu PF


Nhumwa nhatu dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzinonzi dzasangana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, dzikazeya pamire nhaurirano.

Bepanhau reHerald rinotiwo nhumwa idzi dzasanganawo nevari kumirira Zanu PF munhaurirano, VaPatrick Chinamasa naVaNicholas Goche, dzikaudzwa mafambiro ari kuita nhuarirano. Nhumwa idzi dziri kutarisirwawo kusangana zvakare nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, dzisati dzadzokera kuSouth Africa.

Chikwata chenhumwa dzaVaZuma, icho chakapinda munyika neSvondo, chine chipangamazano chava Zuma munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Lindiwe Zulu, pamwe nevaimbove makurukota muSouth Africa, VaCharles Nqakula naVaMac Maharaj. Vatatu ava vakanga vari munyika svondo rapera vachida kuona kana paine ndima yafambwa nevari kutungamira munhaurirano idzi. Vakasanganawo naVaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara, vasati vadzokera kunosuma mukuru wavo svondo rapera.

VaTsvangirai naVaMugabe vari kunetsana muhurumende yemubatanidzwa pamusoro penyaya dzakawanda, idzo dzinosanganisira kugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, izvo zvakaitwa naVaMugabe vari voga. VaTsvangirai vanoti VaMugabe hafaifanirwa kunge vakaita izvi vega pasi pechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Zvinonzi zvinetswa zvasarira zviri kuramba zvichiwanda, uye hazvisati zvazivikanwa kuti ndzvipi zvawiriranwa kusvika pari zvino. Studio7 haina kukwanisa kubata vedivi reZanu PF sezvo vanzi vanga vari mumusangano wePolitiburo wekuronga musangano mukuru webato iri uri kutanga neChipiri. Hatina zvakare kukwanisa kutaura nedivi raVaMutambara.

Asi mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti pane zvawiriranwa uye zvichaziviswa nechikwata chenhumwa dzaVaZuma uye nebato ravo munguva pfupi inotevera.

XS
SM
MD
LG