Accessibility links

Breaking News

Nhomba yeKutanga yeCovid-19 Yotarisirwa muNyika neMuvhuro Kubva kuChina


Bazi rezvehutano rinoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga ndivo vachagashira nhomba yeCovid 19 yakapihwa Zimbabwe neChina panhandare yendege yeR.G. Mugabe International Aiport muHarare nemusi weSvondo.

Nhomba iyi, inosvika zviuru mazana maviri, inonzi Sinopharm iri kutarisirwa kusvika muZimbabwe nenguva dza 3 mangwanani.

Kunyangwe dzimwe nyanzvi dziri kuti China haisi kunyatsobuda pachena nezvenhomba iyi, nyika dzakaita seTurkey, Indonesia neBrazil dziri kuishandisa dzinoti iri kushanda nezvikamu makumi mashanu kusvika pamakumi mapfumbamwe nerimwe kubva muzana kana kuti 50% to 91%.

Hurumende inotiwo veMedicines Control Authority of Zimbabwe vachaongororawo kuti mushonga uyu unoshanda here usati wabayiwa vanhu.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Brighton Chireka vakurudzira vanhu kuti vatambira nhomba iyi kuti chirwere chisarambe chichipararira zvakanyanya.

Tichiri panyaya iyi, huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchiderera uye bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo kwakafa vanhu vaviri nechirwere ichi.

Izvi zvinorevea kuti vanhu vafa kubva chirwere ichi zvachakatanga kupararira vave vave chiuru chimwe chete nemazana mamana kana kuti 1, 400.

NeSvondo vanhu makumi matanhatu nevasere kana kuti 68 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi matatu nemashanu anezana nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 35, 172.

Vanhu mazana mashanu negumi nevaviri kana kuti 512 vakapora kubva kuchirwere ichi nezuro zvasiya vanhu vapora vave zviuru makumi matatu nemazana matanhatu nemumwe kana kuti 30, 601. Vanhu vachiri kurwara zviuru zvitatu nezana nemakumi manomwe nemumwe kana kuti 3, 171.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana manomwe kana kuti 3,7 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vasvika zviuru makumi mapfumbamwe nemanomwe nemazana masere nemakumi manomwe kana kuti 97, 870.

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri kana kuti 3,2 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million. North Africa ine vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika zana remamiriyoni nemasere kana kuti 108 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mana nemakumi masere nevatatu zvine mazana matanhatu kana kuti 483, 600 vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemanomwe ane zviuru zvishanu kana kuti 27, 5 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu kana kuti 2,3 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi matanhatu nezviuru mazana manomwe kana kuti 60, 7 million.

Hurukuro naDoctor Brighton Chireka
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG