Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakazivisa nemusi weChipiri kuti ongororo yakaitwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano inoratidza kuti vanhu vari kurwara neCovid-19 munyika vanosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kana kuti 60% vane mhando yehutachiona hwekuSouth Africa kana kuti "SA variant" uyo uri kutemesa musoro vanachiremba pasi rose.
Hapana humbowo hwakakwana hunoratidza kuti nhomba dzose dziakagadzirwa parizvino kusanganisira yeSinopharm yakapihwa Zimbabwe neChina dzinoshanda pamhando yehutachiona hwekuSouth Africa uhu.
Hutachina hwekuSouth Africa uhu hwawanikwa munyika dzinodarika makumi maviri kusanganisira Botswana, Zambia, Ghana, Gambia, India, America, Britain, Austria, Norway ne Japan.
Asi Zimbabwe ndiyo nyika yatanga kubuda pachena kuti mhando yekuSouth Africa iyi yabata vanhu vakawandisa vari kurwara. Sangano reWorld Health Organization rinoti pane dzimwe mhando mbiri dzawanikwaa dzechirwere cheCovid-19 dzinoti "UK variant" ne "Brazil variant."
Asi pamhando dzose idzi, yekuSouth Africa ndiyo iri kuuraya nekutapurirwa vanhu vakawandisa. Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaive mukuru wechipatara cheChitungwiza Hospital Dr Enoch Mayida vanoti pachiri kuda kutsvagwa humbo hwakasimba nezvenhomba yekuSouth Africa iyi.
Facebook Forum