Nepfenyuro mbiri dzakazvimirira dzoga dzemaCommercial Radio Stations, dzinoti Skyz Metro FM yekuBulawayo neBreeze FM yekuVictoria Falls, dzatanga kutepenyura mumaguta maviri aya mushure mekupuwa marezinesi gore rapera.
Nhepfenyuro mbiri idzi dziri kushanda dziri pasi pekambani yeFairtalk Communications, iyo inotungamirwa nemukuru weAmakhosi Theater, VaCont Mhlanga.
Mumwe mukuru-mukuru wekambani iyi VaQhubani Moyo vanoti vafara zvikuru nekutanga basa uye vanoti vane zvirongwa zvakawanda zvichagutsa ruzhinji.
“Nhasi tiri kufara chaizvo nekuti tapinda mumhepo kuBulawayo; tinowanikwa pamasaisai e100.3 FM. Kuguta reVictoria Falls tinobatika pa91.2 FM panhepfenyuro yedu inonzi Breeze FM. Tatanga kutepenyura zvirongwa zvedu nhasi.” VaMoyo vanodaro.