Accessibility links

Breaking News

Nyakumhang'ara Anopedzisira Asungwa Iye neMapurisa muMbare


Imwe nhengo yesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reRestoration of Human Rights, ROHR, VaStenrick Zvorwadza, avo vakasungwa neMugovera kuMbare mushure mekumanhan'arira vatsigiri veZanu PF, vamiswa pamberi pedare reMbare majisitiriti vachipomerwa mhosva yekutyisidzira vanhu.

VaZvorwadza vaburitswa mutirongo mushure mekubhadhara mari yechibatiso inoita zana remadhora. Dare rati vadzoke zvakare kudare musi wa 14 Kukadzi.

VaZvorwadza vanoti vakasungwa mushure mekunge vaenda kukamba yemapurisa yeMatapi kunomhan’arira vechidiki veZanu PF veChipangano vavati vaidarika makumi masere vakanga vachida kuvabvisa kubva panzvimbo yavanoitira bhizimusi ravo.

Vati vakatozoshamisika vosungwa ivo kunyange hazvo vechidiki vavakanga vamhan'arira vakasiyiwa pasina zvavaitwa nemapurisa pakamba iyi.

VaZvorwadza vati vakarohwa nemapurisa, uye gweta ravo, VaAlec Muchadehama, pamwe nenhengo dzekomiti yeJOMIC vakanga vavashanyira vari muhusungwa, vakarambidzwa nemapurisa kuvaona.

Sachigaro wevechidiki veZanu PF mudunhu reHarare, VaJim Kunaka, vanoti bato ravo harinei nenyaya iyi sezvo VaZvorwadza vakanetsana nevagari vemuMbare.

XS
SM
MD
LG