Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeParamende yeMDC-T Inosungwa kuGweru


Mumiriri weMkoba muparamende vachimirira MDC-T inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaAmos Chibaya vakasungwa neSvondo vachipomerwa mhosva yekukonzeresa mhirizhonga.

VaChibaya vanonzi vakasungwa pamwe nemutyairi wavo mushure mekuita musangano nevechidiki vebato ravo pane imwe nzvimbo kuMkoba, apo panonzi pakazoitika mhirizhonga.

VaChibaya vakachengetwa pakamba yeMutapa, uyuwo mutyairi wavo achinzi ari kukamba yeGweru Central Police, uye hazvisati zvazivikanwa kuti vaviri ava vachapinda mudare redzimhosva riini. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa.

Munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC-T mudunhu reMidlands South, VaJames Tsuro vaudza Studio 7 kuti iyi inzira yekushungurudza nhengo dzeparamende dzebato ravo.

XS
SM
MD
LG