Accessibility links

Breaking News

Nhengo Yeparamande Inosungwa neMhosva yeKusashandisa Zvakanaka Mari dzeMatunhu


Boka rinorwisana nehuwori reAnti Corruption Commission razivisa kuti rakasunga neMuvhuro mumiriri weSaint Mary’s mudare reparamende, VaMarvellous Khumalo, nemhosva yekusashandisa zvakanaka mari dzebudiriro yematunhu, kana kuti Constituency Development Funds.

VaKhumalo, avo vanonzi vakachengetedzwa kukamba yemapurisa yeRhodesville muHarare, mumwe wevamiriri vematunhu vana vanonzi havana kukwanisa kutsanangura mashandisiro avakaita zviuru makumi mashanu mashanu zvemadhora, mari yaipiwa padunhu roga-roga kuti ishandiswe mumabasa ebudiriro.

Sachigaro wekomisheni iyi, VaDenford Chirindo, vaudza Studio 7 kuti vari kuferefeta vanhu vakawanda panyaya iyi, asi varamba kutaura huwandu hwevanhu ava.

Asi mashoko ari kubuda anoratidza kuti vamwe vari kutsvagwa nekomisheni iyi mumiriri weHurungwe North, VaPeter Chanetsa veZanu PF, VaFranco Ndambakuwa veMagunje uye vari veZanu PF pamwe naVaCleopas Machacha veMDC-T vachimirira Kariba.

Asi nyanzvi mune zvemitemo uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor Lovemore Madhuku, vati kusungwa kwenhengo dzeparamende hachisi chiratidzo chekuti komisheni yava nemazino sezvo vazhinji vari kuita zvehuwori vari vepamusoro muhurumende, avo vasina zvavari kuitwa.

XS
SM
MD
LG