Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC-N Inopondwa kuZhombe


Bato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube rinoti mukuru waro anoona nezvesarudzo mudunhu reMidlands, VaMaxwell Ncube, avo vakapambwa manheru emusi weChishanu svondo rapera kuZhombe, vakawanikwa neChipiri vakapondwa.

Mutauriri webato iri, VaNhlanha Dube, vanoti havasati vave kuziva vakaponda VaNcube. Asi vanoti pane fungidziro yekuti nhengo dzeZanu PF dzakambovarwisa munguva yesarudzo muna 2008, idzo dzakaonekwa pataundishipi pakanga paina VaNcube musi uyu, ndidzo dzakavaponda.


Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Mutumbi waVaNcube, uyo wakaendeswa kuKwekwe General Hospital, unonzi wakawanikwa wakapfekedzwa tsaga mumusoro uye wakachererwa pasi makumbo ari panze.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Chief Inspector Oliver Mandipaka, vati ichokwadi kuti kune mutumbi wakawanikwa kuZhombe, asi vati havana ruzivo rwekuti inhengo yeMDC here kana kuti kwete.

XS
SM
MD
LG