Accessibility links

Breaking News

VaNdambakuwa Vanosungirwa Kusashandisa Zvakanaka Mari dzeBudiriro


Nhengo yeZanu-PF inomiririra Magunje mudare reparamende, VaFranco Ndambakuwa, vakasungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekushandisa zvisizvo mari yebudiriro yematunhu kana kuti Constituency Development Fund iyo inopihwa nhengo dzeparamende nehurumende.

Bazi rinoona nezvemabasa eparamende riri kuyambira kuti mamwe makurukota nenhengo dzeparamende vanogona kupinda mukanwa mamupere sezvo vatanga chirongwa chekuenda kumatunhu kunoongorora kuti zvinhu zviri kunzi zvakaitwa zviripo here zvechokwadi.

VaNdambakuwa vanonzi vakatadza kutsanangura zvizere kuti vakashandisa sei mari inosvika zviuru makumi matatu nemanomwe zvemari yakabva pazviuru makumi mashanu zvemadhora yakapihwa nhengo yega yega yeparamende.

Vamwe vakuru vemapurisa vaudza Studio 7 kuti VaNdambakuwa vari muchitokisi chepa Rhodesville Police Station muHarare uye vari kutarisirwa kumira pamberi pedare neChitatu..

Vebazi rezvemabasa eparamende nevesangano rinodzivirira huori reAnti-Corruption Commission vanoti vari kutarisira kuti vakawanda vachasungwa sezvo patanga imwe ongororo yakadzama inosanganisira kuenda kumatunhu ose kunoongorora kuti zvakanzi nenhengo dzeparamende dzakaita ichokwadi here.

VaNdambakuwa inhengo yeparamende yechipiri kusungwa zvichitevera kusungwa kwaVaMarvellous Khumalo veMDC-T vanomirira St Mary’s.

Sachigaro weAnti-Corruption Commission, VaStanford Chirindo, vanoti vane nhengo dzakawanda dzavari kuongorora nenyaya yehuori.

Gurukota rezvemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti vatotanga kukumbira vamwe vaongorori kuti vaende kumatunhu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti vanenge vabatwa nemhosva havafanire kukwikwidza musarudzo dzinotevera.

XS
SM
MD
LG