Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo hwange huchitarisirwa kutanga neChitatu, hunenge huchambomiswa, sezvo nhengo dzeZanu-PF dzave kuda mari yakawanda pazuva, zvikasaitika, nhengo idzi dzinoti dzicharega kupinda muhurongwa uhu.
Nhengo dzeZanu-PF dzinonzi dziri kuda mari inoita madhora makumi manomwe nemashanu ($75) pazuva, kubva pamadhora makumi maviri nemashanu ($25) ari kufanirwa kupihwa vanhu ava.
Vachitungamirwa nemumiriri weMwenezi East mudare reparamende, VaKudakwashe Bhasikiti, nhengo dzeZanu-PF dziri kuti kana pasina mari iyi, hurongwa uhu ngahumbomira.
MDC yaburitsa gwaro kuvatori venhau ichiti Zanu-PF yave kuita kunge vanhu inoda kungoshandira homwe dzayo chete, isinei nenyika.
MDC inoti zviri pachena kuti Zanu-PF iri kuda kuvhiringidza hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.
VaEric Matinenga ndivo gurukota rezvemabasa eparamende nebumbiro remitemo.
VaMatinenga vanoti vanovimba kuti hurongwa hwavo huchaenderera mberi kunyange hazvo paita mutauro nenyaya yemari.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti kunyange pasina kuwirirana, vane chivimbo chekuti zvinhu zvichafamba zvakanaka muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva pahunotanga svondo rinouya.