Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA neMOZA Dzinosungwa muBulawayo


Vanhu makumi maviri nemumwe, avo vanosanganisira nhengo dzeWOZA neMOZA, vasungwa kubva neMuvhuro kusvika Chipiri nemapurisa emuBulawayo. Vamwe vevanhu ava vanoti vatkaochwa vari muhusungwa.

Mutevedzeri wemutungamiri weWOZA, Muzvare Magodonga Mahlangu, vanoti mapurisa ekuWest Commonage akasunga nhengo dzavo nomwe neMuvhuro kuEntumbane nekuMabutweni.

Gweta revasungwa ava, VaMatshobane Ncube, vanoti vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuda kuronga mhirizhonga.

VaNcube vanoti pari zvino havasi kuziva kuti vasungwa gumi nevana vari kupi, vachiti mapurisa ati vadzoke neChitatu kuti vaudzwe kuti vasungwa ava vari kupi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa pane zviri kuitika muBulawayo.

XS
SM
MD
LG