Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA dzoKurudzira Sangano iri Kutambira Gwaro reBumbiro


Sangano rinomirira vanhukadzi reWomen of Zimbabwe Arise, WOZA, rati nhengo dzaro dziri kushushikana nekuramba mapato ari muhurumende achikakavadzana, izvo dzati zvinotadzisa budiriro yenyika.

Izvi zviri mugwaro rakaburitswa nesangano iri neMuvhuro mushure mekusangana nenhengo dzaro richinzwa pfungwa dzavo pamwe nekuzeya gwaro rebumbiro idzva remitemo.

Hurongwa uhwu hwakaitwa mumatunhu anoti Harare, Bulawayo, Matabeleland North pamwe neMatabeleland South. Sangano iri rati hurongwa uhu hwakapindwa nevanhu vanosvika zviuru gumi nezvina nemazana mashanu ane makumi mashanu nevanomwe.

Pavanhu ava mazana mana nemakumi mana nevanomwe vevanhu ava, vaiva vanhurume. WOZA yati nhengo dzayo dzakaratidzawo kushushikana nebatirwo adziri kuitwa nemapurisa uye dzinonzi dzakakurudzirawo kuti sangano iri risvitse nyaya iyi kuSADC nekuUnited Nations.

Panyaya yegwaro rebumbiro idzva, WOZA yati nhengo dzayo dzakaipa makomborero ekuti itange kukurudzira kutambirwa kwegwaro iri kana zvido zvadzo zvikuru zvakaiswa mubumbiro iri.

Sangano iri rati rakaona gwaro rebumbiro rakaburitswa iro rati rine zvinhu zvakati wandeyi zvinotarisa zvido zveWOZA, kunyange hazvo paine zvimwe zvavanofunga kuti zvinofanirwa kunge zviri mubumbiro iri.

Imwe nhengo yeWOZA, Muzvare Magodonga Mahlangu, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo richaedza kuti zvinenge zvisiri mugwaro rebumbiro zviiswe mubumbiro iri.

XS
SM
MD
LG