Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA Dzinoratidzira muBulawayo


Mapurisa emuBulawayo asunga nhengo nhatu dzesangano remadzimai rinorwira kodzero dzevanhu reWomen of Zimbabwe Arise, kana kuti WOZA, mushure mekunge nhengo dzesangano iri dzinosvika mazana mashanu, dzaratidzira dzichinyunyuta nekushungurudzwa kwadzinoti dziri kuramba dzichiitwa nemapurisa.

Izvi zvinotevera kusungwa kwakaitwa mamwe madzimai mana esangano iri neMugovera, uye kushungurudzwa kunonzi kwakaitwa madzimai aya ari muhusungwa.

Imwe nhengo yeWOZA, Muzvare Magodonga Mahlangu, vanoti madzimai mana akasungwa neMugovera anosanganisira mumwe ane mwana mucheche, azoburitswa muhusungwa manheru eMuvhuro mushure mekunge hofisi yemuchuchisi mukuru wenyika, kana kuti Attorney General’s Office, yaramba kuisa nyaya iyi mumatare.

XS
SM
MD
LG