Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA Dzinombochengetedzwa neMapurisa muBulawayo


Mapurisa emuBulawayo neChitatu akambotora dzokuchengetedza nhengo dzesangano reWomen of Zimbabwe Arise, WOZA, dzinodarika zana dzainge dzichiratidzira muguta iri.

Gweta reWOZA, VaKossam Ncube, vanoti madzimai aya azoregedza mukupera kwezuva pasina mhosva yavapomerwa.

Nhengo dzeWOZA dzange dzichiratidzira kusafara kwadzo nemabatirwo ari kuitwa nyaya yekuendesa mamwe masimba kumatunhu, kana kuti devolution, mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Sangano iri rinoti rinoda kuti kuzvitonga kwematunhu kuve kodzero iri mubumbiro idzva. Pakapinda chirongwa chekubvunza vanhu pfungwa dzavo pazvinhu zvinofanirwa kunge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika, zvinonzi matunhu matanhatu kubva mumatunhu gumi ari munyika, akati anoda kuti matunhu azvitonge.

Matunhu anonzi akapikisa pfungwa iyi anoti Mashonaland Central, Mashonaland West, Mashonaland East neMidlands.

Sangano iri rinotiwo riri kuda kuti chiumbwa chamushakabvu Joshua Nkomo chidzikwe pachinofanira kunge chiri.

Nhengo yeWOZA yanga ichiratidzira, Muzvare Clara Manjengwa, vanoti mapurisa ange achitsvaga mumwe wevatungamiri veWOZA, Amai Jenni Williams, kunyange hazvo vamwe vavo varegedzwa nemapurisa.

XS
SM
MD
LG