Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzePTUZ Dzinoti Dzicharamwa Mabasa Kana Dzikanetswa neZanu PF


Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, rinoti nhengo dzaro dzicharamwa mabasa kana dzikaramba dzichishungurudzwa nenhengo dzeZANU-PF.

Nhengo dzePTUZ dzakabvumirana pamusangano wakaitirwa kuMasvingo svondo rapera kuti pachikoro panenge paine mudzidzisi anenge ashungurudzwa, vamwe vevarairidzi vepachikoro ichocho, vanofanirwa kuramwa mabasa.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti varairidzi vari kuoneswa nhamo munzvimbo dzavanoshandira.

Mapurisa anonzi haasi kusunga vanhu vari kukonzeresa mhirizhonga inonzi iri kuitika munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

XS
SM
MD
LG