Accessibility links

Nhengo dzeParamende Dzoda Zvikakarara zveMotokari Dzitsva

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzedare reparamende dzinoti dziri kuda kuti dzitengerwe motokari itsva nehurumende, sezvo dzavainadzo iye zvino dzasakara.

Vadare ava vanoti motokari dzavo, idzo vakawana muna 2008, dzakanyanya kusakadzwa nebasa rekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika ravaiita.

Vanotiwo mamiriro emigwagwa munzvimbo dzavanomirira, zvikuru kumaruwa, haana kunaka izvo zvinoita kuti hupenyu hunotarisirwa pamotokari dzavo hudzikire kusvika pamakore maviri chete.

Vadare ava, avo vanoti havasati vatambiriswa mari dzekubatsirikana kubva pavakapinda mudare muna 2008, vanonzi vari kuda kuti hurumende ivatengere motokari dzerudzi rweNissan 4x4.

Hurumende iri kuchema-chema kuti haina mari yekutambirisa vashandi vayo, izvo zvinonzi nevamwe zvinogona kutadzisa vadare ava kuwana zvikakarara zvemotokari zvavari kuda.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekugara zvakanaka kwenhengo dzeparamende, uye vari nhengo yeZanu PF inomirira Goromonzi North, VaPaddy Zhanda, vaudza Studio7 kuti vanhu vari kuchema kuti nhengo dzeparamende dzati dzinoda motokari itsva, asi vakanyarara pakatengerwa makurukota nevatongi vematare epamusoro motokari itsva.

Asi nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti havaoni hurumende ichikwanisa kuteerera chichemo chenhengo dzeparamende ichi, sezvo isina mari.

XS
SM
MD
LG