Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMdc-T Dzotaura Pamusoro Penyaya Yekusungisana Iri Kumapurisa


Mukuru wezvemabasa mu MDC-T, va Toendeipi Shonhe, vanoti manyepo ekuti vaida kuuraya vamwe vavo vavanoshanda navo mubato.

Mukuru wezvemabasa mu MDC-T, va Toendeipi Shonhe, vanoti manyepo ekuti vaida kuuraya vamwe vavo vavanoshanda navo mubato.

Izvi zvinotevera kusungwa kwavakaitwa nemuvhuro vachipomerwa mhosva yekuda kuuraya mubatsiri wava va Morgan Tsvangirai Denis Murira, pamwe nemukuru anochengetedza vaTsvangirai, va Denson ‘Okolo’ Muchineuta, pamwe nemumwe mushandi anonzi va Smart Mesa.

Va Shonhe vakazviendesa vega kumapurisa uko vakanyoreswa Warned and Cautioned Statement vachibva vanzi vaende kumba nyaya iyi ichiferefetwa.

Gweta rava Shonhe, va Harrison Nkomo, vati mapepa ari kumapurisa anoratidza kuti vaMurira ndivo mumwe weavo vakanomhangara nyaya iyi kumapurisa. Asi va Murira varamba kuti kunyange havo vakanzwa kuti va Shonhe vaida kuvauraya, havana kunopira nyaya iyi kumapurisa.

Vashonhe vanoti avo vari kuvasungisa vari kushandiswa ne Zanu-PF kuparadza musangano we MDC.

nyanzvi mune zvematongerwe enyika, va Pedzisai Ruhanya, vanoti MDC-T inofanirwa kugadzirisa nyaya dzekusawirirana kwayo idzo dzingangopatsanura zvakare bato iri.

XS
SM
MD
LG