Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC-T Dzopotera paHarvest House Dzichitiza Mhirizhonga


Nhengo dzeMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai dzinosvika mazana maviri dzinonzi dzapotera kumuzinda webato radzo muHarare, zvichitevera mhirizhonga yakaitika mukupera kwesvondo.

Mumhirizhonga iyi, pane nhengo yeMDC yakapfurwa ikaendeswa kuchipatara uko inonzi iri muchikamu chinoiswa vanhu vane hurwere hwakanyanyisa, kana kuti intensive care unit.

Vechidiki veZANU-PF ndivo vanonzi vakarova nhengo dzeMDC kuBudiriro nekuMbare. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZanu PF pamusoro pezvakaitika izvi.

MDC inotiwo nhengo dzayo gumi nepfumbamwe dzakasungwa kuMbare mushure memhirizhonga iyi. Dzimwe nhengo dzakasungwa kuBudiriro gumi nevana, dzanga dzichinzi nemapurisa dzibvise faindi yemadhora makumi maviri kuitira kuti dziburitswe muhusungwa. Asi gweta riri kumirira nhengo idzi rinonzi raudza vanhu ava kuti vasabvise faindi iyi sezvo vakasungwa nemapurisa vari mudzimba dzavo.

Munyori weMDC muHarare, VaTaurai Marima, vanoti zvinoshamisa ndezvekuti mapurisa ari kusunga vanhu vari kushungurudzwa pane kuti vasunge nhengo dzeZanu PF dziri kukonzera mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG