Accessibility links

Nhengo dzeMDC kuGlen View Dzosungwa Dzichipomerwa Mhosva yeKuponda Mupurisa

  • Blessing Zulu

Nhengo dzeMDC dzinodarika gumi neshanu dzinonzi dzakasungwa nemapurisa muGlen View neMuvhuro dzichipomwerwa mhosva yekuuraya mupurisa nemusi weSvondo.

Mutauriri wemapurisa Supretendent Andrew Phiri vanoti vatsigiri veMDC avo vanopota vachiita misangano husiku munzvimbo iyi vakarova mupurisa, Inspector Petros Mutedza vainge vaenda nevamwe vavo kunoparadza musangano uyu vachibva vafa.

Vasungwa ava vanosanganisa VaLast Maingehama vanova nhengo yeNational Executive yeMDC nevanin’ina vavo vatatu. Vamwe vasungwa ndiAmai Mavis Madzokere mudzimai wakanzura, VaTungamirai Madzokere vemuGlen View makare.

Asi mutauriri weMDC, VaDouglas Mwonzora varamba mashoko ekuti vatsigiri vavo ndivo vakaponda mapurisa. Vati izvi zvakaitika mushure mekunetsana kwezvidhakwa nemapurisa.

Nyanzvi munyaya dzezva matongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi vashora zvikuru mapurisa nekutanga vapomera MDC mvumo vasati vatanga kuferefeta nyaya iyi.

XS
SM
MD
LG