Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzomiswa paMberi peDare kuChitungwiza


Nhengo dzeMDC gumi nembiri dzamiswa pamberi pedare dzichipomerwa mhosva yekuungana dziine chinangwa chekukonzera mhirizhonga kuChitungwiza.

Muchuchisi wenyaya iyi, Amai Rumbidzai Mushonga, vati vasungwa ava vakaungana mambakwedza emusi weMugovera kuSt Marys muno muChitungwiza zvisiri pamutemo vaine chinangwa chekukonzera mhirizhonga.

Amai Mushonga vati vasungwa ava vakawanikwa vaine rekeni, matombo nemapanga uye vamwe vavo zana nemakumi masere nevaviri vachiri kutsvagwa nemapurisa.

Vachisvitsa chikumbiro chekuti vasungwa ava, avo vanosanganisira mutauriri weboka revechidiki muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaStephen Chuma, vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso, rimwe remagweta evasungwa ava VaMoses Nkomo vati hapana humbowo hunoratidza kuti vasungwa ava vakapara mhosva yavari kupomerwa iyi.

Mukuru wemapurisa pakamba yeSt Marys, Amai Tsitsi Mharadzano, vaudzawo dare kuti vasungwa ava vakaburitswa muhusungwa vanogona kukonzera kusagadzikana munyika sezvo vachiti vamwe vavo vavachiri kutsvaga vari kubuditsa mashoko pamadandemutande epa Internet ekuti munyika munofanira kuratidzirwa zvakasimba zvavanoti zvinogona kukonzera kupardzwa kwemidziyo nekudeuka kweropa.

Amai Mharadzano vati zvichitevera kusungwa kwevanhu ava, vamwe vavo vasati vabatwa vakaita mhirizhonga yakakonzera kupwanywa kwemotokari dzevanhu uye kusachengetedzeka kweveruzhinji.

Mutongi wedare, Muzvare Vongai Muchuchuti, vanyima vasungwa ava mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti kuvepo kwevasungwa ava panzvimbo yakaparirwa mhosva kunoratidza kuti vane chekuita nemhirizhonga yakazoitika vasungwa ava vave mumaoko emapurisa.

Rimwe remagweta evasungwa ava, VaJeremiah Bamu, vati havana kufara nemutongo waturwa nedare uyu.

Padare panga pazere mapurisa anga akapakatira zvombo ayo anga achirambidza veruzhinji pamwe nevamwe vatori venhau kupinda mudare.

Nekune rumwe rutivi, mamwe mapurisa aswera achimhanyisana neveruzhinji mumisha inogara veruzhinji muno muChitungwiza avo vanga vachipisa matai emotokari pamwe nekuvhara migwagwa. Studio 7 yaonawo mapurisa achikanda hutsi honokachidza pa C Junction pamwe nekupindira vanhu mudzimba akabata mboma.

Mumwe mugari wemuUnit K, Chitungwiza, VaNesbert Chizema, avo vane chitoro vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Pataenda pamhepo, mapurisa ayo anga aine motokari dzakawanda kusanganisira motokari dzinoshandiswa mukudira mvura inovava anga achitenderera mumisha inogara veruzhinji achideedzera kuti vanhu vasaite zvemhirizhonga.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vari pazororo saka nokudaro hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi. Asi neMugovera vakaudza Studio 7 kuti mhirizhonga inofanira kumira.

Asi veMDC vanoti vanhu vakakonzera kusagadzikana muChitungwiza ndevesangano reZimbabwe Concerned Citizens Forum avo vari kunzi neMDC inhengo dzeZanu-PF vachishanda nevasori kuda kuvhiringidza bato iri.

Vesangano iri vakange vaudza vatori venhau kuti vainge vachida kuenda kunovaka misasa kumba kwemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa, mumwe mutevedzeri wavo VaTendai Biti uye mutevedzeri wasachigaro weato iri VaJob Sikhala vachiti ndivo vakakokera zvirango zvakatemerwa nyika.

Izvi ndizvo zvakapa kuti vechidiki veMDC vaende kudzimba dzevatungamiri vavo ava kunovadzivirira.

Asi mapurisa akabva afumobata jongwe muromo akananga kwaVaSikhala zvakabva zvatanga mhirizhonga. VeZimbabwe Concerned Citizens Forum vanoti vaona kuti panogona kuita mhirizhonga vakazosendeka hurongwa hwavo parutivi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG