Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinotiza Misha kuMuzarabani


Mhuri gumi nenhanhatu dzemubhuku rekwaCharunda, kuMuzarabani South, mudunhu reMashonaland Central, dzinonzi dzakatiza misha yadzo usiku hweMuvhuro, zvichitevera kupiswa kweimwe chechi pamwe nemisha yevatsigiri veMDC. Izvi zvinonzi zvakaitwa nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu PF.

Izvi zvinonzi zvakaitika mushure memusangano weMDC wakaitwa neSvondo mudunhu iri uyo unonzi wakapindwa nerimwe remakurukota ezvekuregererana pamwe nekupodza maronda, Amai Sekai Holland.

Mhuri idzi, idzo dzine vanhu vanosvika makumi mashanu nevashanu, dzinonzi dzakafamba mutunhu wakareba kwazvo kuenda kuSaint Alberts, uko dzinonzi dzakatsvaga hupoteri.

Hatina kukwanisa kubata veZanu PF kana mapurisa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Sachigaro weMDC kuMuzarabani South, VaFred Matonhodze, vaudza Studio7 kuti mhuri idzi dziri kungorara panze dzichimirira kuti dzione kana dzichikwanisa kudzokera kumisha yadzo.

XS
SM
MD
LG