Accessibility links

Breaking News

Mahotera emuGweru Anodzinga Nhengo dzeCOPAC


Vanhu vari kushanda vari pasi pekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, pamwe nenhengo dzeCOPAC yacho, vanonzi vari kufamba nemikwende yavo kuMidlands, sezvo vaburitswa mumahotera mashanu avanga vachigara muGweru.

Zvinonzi vanhu vanosvika zana nemakumi mana vari kutsvagirwa pekuti varare uye kugara mazuva achatevera.

Vanhu ava vanosanganisirawo nhengo dzeCOPAC, VaJoram Gumbo veZanu PF, pamwe naVaAmos Chibaya, veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai. VaChibaya vanoti vari mushishi kutsvagira vanhu pekugara kuZvishavane.

Zvichakadaro, mubatanidzwa wemasangano ari kuongorora hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu, weZZZICOMP, unoti kutyisidzirwa kwevanhu kuchiri kuenderera mberi mumatunhu akasiyana-siyana munyika.

KuManicaland, nhengo yeZZZICOMP, VaJohn Ziyera, vanonzi vakapotsa vaitwa kanyama-kanyama nevatsigiri veZanu PF Chishanu chapuura, vachipomerwa mhosva yekuve mubvakure akanga apinda mumusangano weCOPAC.

VaZireya vanonzi vakazoiswa mumaoko emapurisa, ayo akazovachengetedza kwemaawa matatu.

KuManicaland kwakare, vakuru vemauto vanonzi vari kukurudzira mauto ose kuti apinde mumisangano yeCOPAC iri kuitwa svondo rino kuChimanimani nekuMutasa, uye kuti vape pfungwa dzavo dzakanangana nebato reZanu PF. Vakuru vemauto ava vanonzi vari kukurudzira mauto aya kuti vasapfeka hanzu dzavo dzebasa.

Mubatanidzwa uyu unotiwo mudzviti wekwa Chivi kuMasvingo, VaBernard Hadzirabwi, vakatiza musha mushure mekuvhundutsirwa nevatsigiri veZanu PF mushure mekupa pfungwa dzavo pamusangano weCOPAC.

Mamwe mashoko anotiwo nhengo yeMDC, uye vari mumiriri weGutu North muparamende, VaEdmore Hamandishe, vavhundutsirwa nevasori pamusangano wekunzwa pfungwa dzevanhu waitirwa paChinyanga Primary School, kuGutu West.

Ukuwo, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti richapinda munyika dzine zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda richinzwa pfungwa dzavo muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.

Regional Information and Advocacy Officer vesangano iri, VaDewa Mavhinga, vanoti sangano ravo richatanga chirongwa ichi neChina svondo rino kuSouth Africa rozoenda kudzimwe nyika.

XS
SM
MD
LG