Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCOPAC Dzinodzingwa muMahotera Adzanga Dzichigara


Nhengo dzekomiti yeparamende iri kuona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, dzeCOPAC dzinodarika makumi mana, dzinonzi dzaburitswa mumahotera adziri kugara dziri kuMashonaland West.

Vanhu ava vanonzi vanga vachigara paOrange Groove neChinhoyi Caves, ndokubva vaburitswa nekutadza kubhadhara mahotera aya.

Sangano reCOPAC neMuvhuro rakazivisa kuti matambudziko ose aisanganikwa nawo vasati vazorora kwesvondo rimwe chete, anosanganisira dambudziko repekugara, akanga akagadziriswa.

Hatina kukwanisa kunzwa kuti mahotera aya anoda kubhadharwa mari yakawanda zvakadii, kanawo kusangano riri kubatsira chirongwa ichi nemari, reUnited Nations Development Program, kana kuti UNDP.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti UNDP iri mushishi kugadzirisa dzambudziko iri, iro vati rakakonzerwa nenyaya yekuti vemahotera vakanga vangozivisa kuti vaida kubhadharwa mari dzemazuva makumi maviri chete, kwete makumi matanhatu nemashanu achatorwa nehurongwa uhu.

Zvichakadaro, MDC ino tungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti nhengo dzeZanu PF neMuvhuro dzakakanganisa musangano wekunzwa pfungwa dzevanhu waiitirwa paKaziro Business Centre kuMadziwa, mudunhu reShamva North, kuMashonaland Central.

Bato iri rinoti vatsigiri veZanu PF ava vakarova sachigaro wemadzimai mubato reMDC mudunhu iri, Amai Martha Muronzi, mushure mekunge vasvitsa kuCOPAC gwaro raive nezvavaida kuti zviiswe mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Sachigaro weMDC mudunhu reMashonaland Central, VaGodfrey Chimombe, vanoti mhirizhonga iyi yakazoita kuti musangano uyu umiswe nguva yawo isati yakwana.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu mudunhu reMashonaland Central, uye vari nhengo yeZanu PF inomirira Guruve South, VaEdward Chindori Chininga, varamba kuti musangano uyu wakakanganiswa nevatsigiri veZanu PF, asi kuti vanhu vepaKaziro ndivo vakaramba nzira yakanga yashandiswa naAmai Muronzi mukupa pfungwa dzavo.

XS
SM
MD
LG