Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeCOPAC Dzoramwa Basa kuMasvingo


Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka kuMasvingo, uko nhengo dze MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, dziri kushungurudzwa pamwe nekupisirwa dzimba.

Izvi zvinonzi zvakapa kuti nhengo dzeMDC dziri muCOPAC, dziramwe basa dzichiti mutungamiri wevaimbove varwiri vehondo yerusununguko, VaJabulani Sibanda, vabude mudunhu iri. VaSibanda vari kunzi ndivo vari kukonzeresa mhirizhonga mudunhu iri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaSibanda. Asi nhengo yeCOPAC, uye vari mumiriri we Zaka Central, Va Harrison Mudzuri, vanoti kunyange hazvo zororo remagamba raita kuti vanhu vambomisa chirongwa chekunzwa pfungwa dzavanhu, veCOPAC havasi kuzodzokera kubasa kudzamara mhirizhonga yapera mudunhu iri.

Imwe nhengo ye COPAC muBulawayo, Amai Gladys Gombani-Dube, vanoti zviri kushamisa ndezvekuti vanhu vari kushungurudza vamwe muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva, havasi kusungwa nemapurisa.

XS
SM
MD
LG