Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano dzeHwaro hweSarudzo Dzopetwa neMapato


Vari kutungamira mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa neChitatu vakatanga kuita musangano muHarare wekuyedza kupedzisa gwara rehwaro hwesarudzo kana kuti Election Roadmap.

Vakuru veSADC vanoti havasi kufara nekuti Zanu-PF yange yotangazve kuda kunonotsa zvinhu. Vakaoma musoro muZanu-PF vange voda kuramba kuti paumbwe gwara resarudzo vachiti vanoda zvinhu zvitatu chete kuti zviitwe, zvinova bumbiro idzva remitemo yenyika, referendamu nezvishoma zvine chekuita nesarudzo zviri muGlobal Political Agreement, kana kuti GPA.

Asi SADC inoti zvose zvine chekuita nesarudzo zvinofanirwa kuti zviitwe nechimbichimbi. Izvi zvinosanganisira kuvandudza mitemo yesarudzo, kuvandudzwa kwemashandiro emapurisa nemauto musarudzo, kuvepo kwevaongorori vekunze vesarudzo nezvimwe zvakadaro. Izvi ndizvo zvinonzi zviri mugango pari zvino.

Vari kutungamiria nhaurirano idzi, vakapedza kuita izvi, vari kutarisirwa kuendesa gwaro iri kuvatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti VaMorgan Tsvangirai, VaRobert Mugabe, naVaArthur Mutambara. Vatatu ava vachazogara pasi nenhumwa dzeSADC nenyanzvi dzichabva kuSADC Troika kuti vazeye gwara resarudzo.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, ndivo vachazopira gwaro iri kuvatungamiri veSADC vose pamusangano weSADC Extraordinary Summit uchaitwa kuNamibia musi wa 20 Chivabvu kuti uzeye nyaya yeZimbabwe neMadagascar.

Mukutyira kuti panosvika zuva iri SADC inogona kuomesera Zanu-PF, bato iri rinonzi rakatumira mutevedzeri wekutanga wemutungamiri waro, Amai Joice Mujuru, kuti vaudze mumiriri weZimbabwe muSouth Africa kuti vasateerere mashoko ekunyomba seanotaurwa neimwe nhengo yebato iri mudare reparamende, VaJonathan Moyo.

Mazuva mashoma apfuura, VaMoyo vakatukirira VaZuma vachiti vaida kuti VaMugabe vabviswe pachigaro.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vati havana mashoko azere nezvenyaya yaAmai Mujuru iyi

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti pane zvakawanda zvinoda kuvanduzwa nyika isati yaita sarudzo.

XS
SM
MD
LG