Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi - Gunyana 3, 2015


Studio 7
Studio 7

Sangano revarairidzi re Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, nhasi raita musangano nechikwata chenyanzvi dzeku World Bank dziri kushanya muZimbabwe vachizeya nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzedzidzo munyika.

Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai votaura nezvemaonero avo panyaya yekugadzirisa zvinhu munyika

Mutungamiri weZAPU VaDumiso Dabengwa vanoti hurumende yeZanu-PF yakundikana kutonga nekudaro inofanira kuita hurumende yemubatanidzwa nevamwe.

Sangano reZimbabwe Peace Project rinoti vanhu vanotengesa mumigwagwa vanopfura zviuru zana nemazana manomwe vakaburitswa mumigwagwa yemaguta.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-Womens Round Table tiri kutarisa mashoko ekuti hutachiwana hweHIV/Aids hwakwira zvakanyanya mumadzimai anoita zvechipfambi.

Misoro yeNhau Dzanhasi - Gunyana 3, 2015
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG