Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 08, 2019.
Masangano evarairidzi eProgressive Teachers Union of Zimbabwe, ne Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, anoti haasi kupinda munhaurirano dzeNational Joint Negotiating Council idzo dziri kudaidzirwa nehurumende.
Studio7 inotarisa zvakadzama mamiriro akaita zvinhu muzvikoro izvo zvavhurwa nhasi.
Kunyange hazvo hurumende iri kuti vana chiremba vanga vachiramwa mabasa vadzokera pamabasa avo, vari kuziva zviri kuitika pachipatara chehurumende cheParirenyatwa vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka, sezvo vanhu vari kudzoserwa kudzimba dzavo.
Peturu nedhiziri zvotonyanya kunetsa kuwana panguva iyo vemakombi vari kukwidza mari dzavari kubhadhirisa vanhu kushandisa makombi aya kuenda kumabasa nedzimwe nzendo
Nhasi tiri kutarisa zviri kuitwa nezvikwata zvemutambo wenhabvu mugadziriro yazvo yemwaka wenhabvu
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zvingaitwe nevechidiki vane vanenge vapedza zvidzidzo zvavo zvepamusoro soro panguva iyo munyika musina mabasa.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum