Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Achatamba neFrance Mufainari yeWorld Cup-England Kana Croatia?


Chikwata cheFrance chapinda mufainari ye 2018 World Cup mushure mekurova Belgium 1-0. .

Chibodzwa chakabva kuna Samuel Umtiti zvikwata zviviri izvi zvichangobva kuzororo yemaranjisi chakapinza France mufainari ye 2018 World Cup iyo iriko neSvondo.

France yave kusangana nechikwata chichakunda pane imwe semi fainari iriko nhasi manheru pakati peCroatia neEngland.

Muteveri weHighlanders, VaSifelani Maphosa vanoti kukunda kwakaita France mumutambo mukuru uyu kunoratidza kuti chikwata ichi chakasimba zvekukwanisa kutora mukombe mukuru uyu.

Kylian Mbappé
Kylian Mbappé

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti hapana aitarisira kuti France ingasvike mufainari vachiwedzera ivo kuti payave apa yave kunotora mukombe.

Asi kunyange hazvo France yakakunda mumutambo uyu, ivo pachavo vanobvuma kuti izvi hazvina kuuya nyore sezvo Belgium yakarwisa semvumba.

Belgium yacho ingadai yakakundawo mumutambo uyu dai yakashandisa mikana yakawandisa yayakawana asi panzvimbo yekurovera mabara mugedhe, yaida kuita bhora rekufamba naro mumambure.

Aka kanga kave kechipiri munhoroondo yeBelgium kusvika muma semi fainari eWorld Cup.

Asi iyi yave nhorooondo sezvo France yave kutarisira fainari uyezve nekutora World Cup yayo yechipiri mushure mekumboita izvi muna 1998.

Harry Kane
Harry Kane

Mumutambo uriko na 8pm nhasi, weCroatia ne England, Croatia iri kutarisira kuna Luka Modric kuti ikunde England.

Croatia ine vatambi vanotambira zvikwata zvine mukurumbira zvinoti Barcelona, Real Madrid, Atletico Madrid, Liverpool, Juventus, Inter Milan ne AC Milan.

Ukuwo England iri kutarisira kuna Harry Kane kuti ipinde mufainari neSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG