Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMurairidzi weZimbabwe Warriors Yotsviririra muZimbabwe


Soccer Ball
Soccer Ball

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko guru rekuva nemurairidzi wechikwata che Zimbabwe Warriors.

Zvichitevera danho rakatorwa nehurumende rekunyima mvumo yekushanda kwaTom Saintfiet wekuBelgium, semurairidzi weZimbabwe Warriors, vamwe vakambotambira chikwata ichi vane chitsama vava kugara vachikwenya mhuno nekasayimwa, zvichitevera kupihwa kwavakaitwa marezenisi ekurairidza nhabvu eCaf Class C, izvo zvichapa mukana wekuti vave pane vachakwikwidza basa iri.

Vatambi vaive nemukurumbira vanosanganisira Peter Ndlovu, mukoma wake Adam, Norman Mapeza pamwe naAgent “Ajira” Sawu, vamwe vevarairidzi vakapihwa zvitupa izvi.

Nyaya yekuti ndiyani anofanirwa kunge achirairidza chikwata ichi inotemesa vanhu musoro, sezvo vamwe vachiti ZIFA haifanirwe kutsvaga murairidzi wekunze, sezvo vamwe vari munyika vachikwanisa kuita basa iri.

Vamwewo ndivo vanoti nhabvu munyika iri kuvhiringidzwa nekupindira kunoitwa nevatungamiri vemasangano enhabvu akaita seZIFA nePremier Soccer League mukufambiswa kwebasa.

Vakambotungamira sangano rePSL, VaChristopher Sambo, vanoti pfungwa yekuti basa rekurairidza chikwata chema Warriors rinofanirwa kupiwa kune murairidzi wemunyika, kwete kungomhanyira kune vekunze.

Mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira, VaFabian Mahembe, vanotiwo varairidzi vachangopiwa zvitupa zvekurairidza ava vanofanirwa kutanga varairidza zvikwata zvepasi vasati vada basa rekurairidza chikwata chenyika.

XS
SM
MD
LG