Accessibility links

Breaking News

NCA Yotsiura MDC-T Kuti Isarwisane Pachayo


Sangano reNational Constitutional Assembly pamwe nebato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube vari kushoropodza zvikuru mhirizhonga iri kuitika mubato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai apo bato iri riri kusarudza hutungamiri hwematunhu segadziriro yeNational Congress yebato iri.

NCA inoti kuita kweMDC-T hakuchina kusiyana neZanu PF iyo inonzi inozivikanwa nekurwisana uye kurwisa vanhu vanoipikisa. Sangano iri rayambirawo MDC-T kuti inogona kurasikirwa nevatsigiri vachitiza mhirizhonga iyi.

Ukuwo, vachitaura kuKezi mukupera kwesvondo, mutungamiri werimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube, vakati zviri kuitika muMDC yaVaTsvangirai hazvichina kusiyana nezvinoitika muZanu PF. Vakati izvi zvinoratidza kuti bato iri rinogona kuzonetsa kana rasarudzwa kuti ritonge nyika.

MDC-T ibato rinogara richiti haridi mhirizhonga, uye kugara rakachema nerekuti vatsigiri varo vari kurohwa netsigiri veZanu PF.

Nyanzvi munyaya dzvematongerwo enyika dzinoti MDC-T haifanirwe kurwisana pachayo, sezvo izvi zvichiratidza chimiro chakaipa chebato iri kana richinge rave kutonga nyika.

VaTsvangirai vari kufamba vachikurudzira vatsigiri vavo kuti vasarwisane, uye kuti vanhu vasashandise mari mukutsvaga rutsigiro musarudzo dzepakongiresi dziri kuitwa mukupera kwemwedzi uno.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vaudza Studio7 kuti vaona zvakakodzera kuti vatsiure shamwari dzavo dzeMDC sezvo riri bato rakatarisirwa neruzhinji rweZimbabwe.

Mutauriri weMDC yaVaNcube, VaNhlanhla Dube, vanotiwo mhirizhonga iri kuitika muMDC-T chiratidzo chekuti bato iri ratora ruoko rweZanu PF.

Asi mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti vane hurombo nemaonero emapoka ari kuvashoropodza achiti mubato ravo mapindwa napongwe, vachiti mhirizhonga inonzi yakaitika yaitokonzerwa neZanu PF.

XS
SM
MD
LG