Accessibility links

Breaking News

NCA Inoti MDC Yorumwa neChekuchera paNyaya yeBumbiro reMitemo


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo zvekuti zvave kutyirwa kuti hurongwa uhu huchatadza kufamba zvakanaka. Nzvimbo dzakawanda dzinonzi dzaberekera ingwe nekuda kwevatsigiri veZanu-PF vari kuvhiringidza hurongwa uhu.

Vanhu vakawanda zvikuru kumaruwa, vanoti vari kutoudzwa kuti anenge atsaudzira anenge azvikanda hake mukanwa mamupere.

Masangano akaita seNCA, ZCTU nechimwe chikwata cheZINASU, ange aramba kupinda muhurongwa uhu, ave kurova havo chikwee achiti ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.

Masangano aya akamboyambira MDC kuti yave kushambira mudziva rine ngwena nekuita muchato neZanu-PF pakunyorwa kwebumbiro remitemo. Asi vamwe vanoti hapana mimba isina marwadzo, nekudaro aya mavambo ekushanduka kwezvinhu.

VaEarnest Mudzengi ndi National Director weNCA. VaMudzengi vanoti MDC yave kurumwa nechekuchera. VaTongai Matutu inhengo yeMDC mudare reparamende vachimirira Masvingo Urban. VaMatutu vanoti zviri kuitwa neZanu-PF zvinhu zvavange vakatarisira asi chirongwa ichi hachisi kuzomira.

XS
SM
MD
LG