Accessibility links

Breaking News

NCA Inodzinga MDC-T Musangano Iri


Sangano reNational Constitutional Assembly, kana kuti NCA, rinoti radzinga bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe nemamwe masangano kuve nhengo dzesangano iri.

NCA inoti yatora danho iri zvichitevera kupinda kwakaita masangano aya muhuruongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, uho huri kutungamirirwa nehurumende. NCA inoti inoda kuti kunyorwa kwebumbiro idzva kutungamirwe nevanhu, kwete hurumende.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti danho iri rakatorwa nemusi weSvondo neNational Consultative Assembly, zvichitevera chisungo chekudzinga MDC-T chakaitwa neNCA Taskforce neMugovera.

Sangano iri ratiwo MDC-T yanga isingapindi mumisangano yeTaskforce kubva muna 2009.

NCA iri kupikisa hurongwa hwehurumende hwekunyorwa kwebumbiro idzva, ichiti izvi zvinofanirwa kuitwa nevanhu.

Sangano iri rakapikisa chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva muna 1999, rikakurudzira veruzhinji kusatambira Draft Constitution pareferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo harisati rapirwa nezvedanho iri, uye kana chiri chokwadi, NCA inoziva nzira dzekutevera pakuranga nhengo dzayo.

VaMwonzora, avo vanoti vakabatsira munkunyorwa kwebumbiro reNCA, vanoti sachigaro veNCA, VaLovemore Madhuku, munhu akadzidza anoziva zvemitemo, nokudaro vanotarisira kuti VaMadhuku vachaita zvinhu negwara rinodiwa nemutemo.

XS
SM
MD
LG