Accessibility links

Breaking News

VaDumiso "The Black Russian" Dabengwa Vavigwa Zvine Mutsindo


VaDumiso Dabengwa
VaDumiso Dabengwa

Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana kuNtabazinduna mudunhu reMatabeleland North uko kwavigwa gamba renyika, VaDumiso Dabengwa.

Vanhu vakasiyana siyana, kusanganisira vekunze kwenyika, varumbidza VaDabengwa semunhu ange akazvipira mukurwira rusununguko kwete rweZimbabwe chete, asi rwenyika dzose dzekuchamhembe kweAfrica.

Asi zvabuda pachena kuti pange pane kusawirirana pakati peveruzhinji nevamiriri vehurumende kusanganisira vange vakabata hurongwa hwerufu urwu sezvo pamboita makakatanwa ekuti anotaura neasingatauri ndiani.

Gurukota redunhu reMatabeleland North, VaRichard Moyo, avo vange vachitaura vakamirira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvoveredzwa vakatadza kupedza nhauro yavo yavange vachifanirwa kupa.

VaMnangagwa havana kuuya parufu urwu uye tsananguro yabuda mumapepanhau ehurumende ichibva kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charambe, ndeyekuti VaMnangagwa havaiuya parufu rwaVaDabengwa nekuti kunyange havo vakaitwa gamba renyika, mhuri yavo yakasarudza kuvaviga kumusha kwavo.

Zvichibva kupindira kwemhuri yaVaDabengwa, mutungamiri webato reMDC, VaNelson Chamisa, vazopiwa mukana wekutaura mushure mekunge VaDabengwa vavigwa uye vashora nyaya yekuti mutungamiri wenyika havana kuuya parufu apa.

VaChamisa vati VaDabengwa munhu anorangarirwa serimwe remagamba makuru-kuru munhoroondo yenyika yeZimbabwe.

Gore rapera, VaDabengwa vakabuda pachena kuti vaizotsigira VaChamisa musarudzo yemutungamiri wenyika, vachiti VaChamisa ndivo vaive munhu aifanirwa kutungamira nyika, kwete VaMnangagwa.

Gurukota muhurumende yeSouth Africa, Amai Ayanda Dlodlo, avo vataura vakamirira mutungamiri wenyika iyi, VaCyril Ramaphosa, varumbidzawo VaDabengwa segamba guru vakati vaive munhu ange ane muoono wakakura, vasingarwire rusununguko rwenyika yavo chete, asi rwenyika dzose dzemuAfrica dzaive pasi pehudzvanyiriri.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reZAPU, VaIssac Mabuka, vaudza Studio 7 kuti kufa kwaVaDabengwa kurasikirwa kukuru.

Mumwe aimbove murwiri wehondo yerusununguko pasi peboka reZipra, VaBaster Magwizi, vati VaDabengwa vafa vasina kukwanisa kugadzirisa zvimwe zvezvinhu zvaive pakati pemoyo wavo kusanganisira nyaya yeGukurahundi pamwe nekutorerwa midziyo inosanganisira zvivakwa nemagwaro enhoroondo ehondo kwakaita bato reZAPU nehurumende.

VaMawgizi vati VaDabengwa vaive munhu aikoshesa zverunyararo saka nekudaro ivo vachaedza kuti zvose zvinofanirwa kugadziriswa, zviitwe murunyararo.

Ishe Nhlanhlayamangwe Ndiweni, vanove ishe wenzvimbo yeNtabazinduna, avo vazopiwavo mukana wekutaura paguva raVaDabengwa, vabuda pachena kuti maonero avo ndeekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

VaDabengwa, avo vaziikanwawo nerimwe zita ravo rekuhondo rekuti The Black Russian vanonzi vaive vagara vaudza hama neshamwari kuti havaizoda kuvigwa panzvimbo inovigwa magamba enyika paNational Heroes Acre sezvo vaisawirirana negwara rebato riri kutonga reZanu PF.

Pakabatana Zanu PF nePF Zapu muna 1987, VaDabengwa vakamboramba kupinda muhurumende yaVaRobert Mugabe, asi vakazonyengetedzwa namushakabvu Joshua Nkomo, vakaita gurukota rekupedzisira kutoreswa mhiko pakaumbwa hurumende yemunatanidzwa weZanu PF ne PF Zapu muna 1988.

VaDabengwa, avo vanga vava nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe, vakashaya nechirwere chechiropa nemusi weChipiri svondo rapera muNairobi guta reKenya vachibva kunorapwa kuIndia. Vasiya mudzimai Zodwa, vana vashanu pamwe nevazukuru.

Hurumende yakavaita gamba renyika, asi mhuri yavo yakasarudza kutevedzera chido chavo chekuti vavigwe kuNtabazinduna, uko kwakaradzikwawo amai vavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nyanzvi inorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Rueben Mbofana, vanoti VaDabengwa vaive munhu aizvininipisa, uye achiteerera zvinotaurwa nevamwe.

VaMbofana vanoti vakadzidza zvakawanda kubva kuna VaDabengwa vachiri vapenyu.

VaMbofana vanoti VaDabengwa munhu anokodzera kuitwa gamba renyika nekuti vakazvipira hupenyu hwavo kurwira rusununguko rwemunhu wese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG