Accessibility links

Breaking News

VaNgarivhume Vanorambirwa Mukana Wekuti Vabhadhare Mari yeChibatiso, Ukuwo VaSikhala Vachisungwa


Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono and Transform Zimbabwe Leader Jacob Ngarivhume
Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono and Transform Zimbabwe Leader Jacob Ngarivhume

Mutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vari kupomerwa mhosva yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati, vanyimwa zvakare mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Mune chimwe chiitiko, mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vasungwa nemapurisa.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chaVaNgarivhume chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti pane zvashanduka kubva pavakambonyimwa mukana uyu, mutongi wedare ramejasitiriti, VaTrynos Utahwashe, vati hapana zvizhinji zvavaona zvashanduka zvingakodzere kuti VaNgarivhume vabusitswe muhusungwa.

VaUtahwashe vati boka reJuly 31st Movement ravanoti rinotungamirwa naVaNgarivhume iro rakashevedzera kuratidzira kwemusi wa31 Chikunguru rave boka rakura uye rine chinangwa chekubvisa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa pachigaro.

Vati izvi zvinobuditswa pachena nevanhu vakaita semutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, avo vanga vachitsvagwa nemapurisa vanga vari kuramba vachiburitsa mashoko ekutsoropodza hurumende.

VaSikhala vanonzi vazosungwa masikati ano mushure memutongo uyu izvo zvatsinhirwa nemutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo.

Asi mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati vanga vasati vatambiranyaya iyi.

VaSikhala ndeumwe weavo vari kuti munyika munofanirwa kuratidzirwa zvakasimba vati huori hwanyanya sezvakataurwa naVaNgarivhume. VaSikhala ndeumwe wevanhu gumi nevana vakaziviswa panhepfenyuro nemapurisa kuti vari kutsvagwa.

VaUtahwashe vati kunyange musi wa31Chikunguru wakange washevedzerwa kuratidzira naVaNgarivhume wakadarika, kuburitsa VaNgarivhume muhusungwa kunogona kukanganisa hutano nekuchengetedzeka kweveruzhinji sezvo vachiti July 31st Movement ratove boka rakasimba.

Vati kunyange kuratidzira dziri kodzero dzeveruzhinji, mitemo yakadzikwa nemutungamiri wenyika senzira yekurwisana nedenda reCovid19 inoita kuti kodzero idzi dzimbosendekwa parutivi nekuti bumbiro remitemo rimwe chetero rinoti rinobvumidzwa kuti kodzero idzi dzityorwe kana zvichiitirwa kuchengetedza hutano hweveruzhinji.

VaNgarivhume, avo vakwanisa mazuva makumi matatu nematatu vari muhusungwa nhasi, vaunzwa kudare vakaiswa ngetani dzemumaoko nedzemumakumbo nguva yapera sezvo vanochengeta majeri vanga vachiti vanga vachishaya svumbunuro dzemukova unopinda nevasungwa pamatare.

Nezuro VaNgarivhume vakapinzwa mudare vaine ngetani mumaoko vekumajeri vachiti vainge vatadza kudzibvisa.

Gweta raVaNgarivhume, VaMoses Nkomo, vati havasi kufara nemutongo waturwa nhasi nedare uyu.

VaNkomo vaiti vave kukwidza zvakare kudare repamusoro iro rakamboramba kupa VaNgarivhume mukana wekubhadhara mari yechibatiso zvichitevera mutongo waturwa naVaUtahwashe.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Institute of Strategic Thinking, VaEric Muzamhindo, vati kunyimwa kwaitwa VaNgarivhume mukana wekubhadhara mari yechibatiso kunoratidza kuwoma mwoyo kwakaita hurumende yaVaMnangagwa kana zvichienzaniswa nehurumende yevaimbova mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe.

Magweta emutori wenhau ,Hopewell Chin’ono, uyo ari kupomerwa mhosva yakafanana neyaVaNgarivhume, anga ari mudare nhasi maapedzisa kusvitsa zvinyorwa zvaakanzi nedare aunze kudare pachikumbiro chekuti Chin’ono awane mukana wekubhadhara mari yechibatiso achitiwo pane zvashanduka kubva paakambonyimwa mukana uyu.

Mutongi panyaya yaChin’ono VaNgoni Nduna vakati vachatura mutongo wavo neMuvhuro.

Mune imwewo nyaya yanga iri mudare, nyaya yanga ichipomerwa munyori musangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, VaRobson Chere, gweta reARTUZ, VaDoug Coltart nedzimwe nhengo dzeARTUZ ina yekunzi vaironga zvekupidigura hurumende kubudzikidza nekuverenga bhuku rakanzi “Pedagogy of the Opressed” yaraswa nedare mushure mekunge dare raona pasina humbowo panyaya iyi.

VaChere, avo vanga vave nenguva yakareba vachiunzwa kumatare vaine vamwe vavo panyaya iyi, vaudza Studio 7 kuti vafara nemutongo waturwa sezvo vachiti vanga vagara vasina mhosva asi kuti vaingoshungurudzwa nehurumende.

Kusungwa kwaChin’ono naVaNgarivhume nevamwe varwiri vekodzero dzevanhu nevashandi kuri kushorwa nemasangano akawanda pasi rose.

Asi vakuru muhurumende pamwe nebato reZanu PF vanoti zvinhu zvese zvakamira zvakanaka munyika vachiti vari kuvatsoropodza ava vari kutaura kwavasina kuswera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG