Mumwe murume ane makore makumi mana ekuberekwa apfurwa akafa neChitatu mangwanani muHarare zvichitevera kusanzwisisana kwaitika pakati pemumwe mutyairi wemotokari nevechidiki vanomira vachibhadharisa vanopaka dzimotokari dzavo muguta.
Mapurisa azivisa kuti mufi mumwe wevanhu vanobhadharisa kupaka motokari muguta zvisiri pamutemo.
Mapurisa anotiwo pane vanhu vakawanda vakuvara mumvongamupopoto yaitika.
Vaona zvichiitika vanoti motokari yanyakupfura yapiswa neveruzhinji, muridzi dzokurohwawo zvekuti ari muchipatara umo akachengetedzwa nemapurisa.
Studio7 yaedza kubata mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, kuti tinzwe divi rekanzuru panyaya iyi, asi nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.
Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vachiri kuferefeta nyaya iyi.
Assistant Commissioner Nyathi vanotiwo yambiro yavo kuruzhinji rweZimbabwe ndeyekuti vanhu vamire kutaura zvavasingazive pamusoro penyaya dziri kuferefetwa nemapurisa nekuti zvinodzosera basa ravo kumashure.
Vanotiwo wese anenge apara mhosva anotongwa nemutemo wemhosva yake zvisineyi nekuti abuda mumba maani.
Facebook Forum